Accessibility links

Breaking News

CCZ Inoti Mari Inodiwa neMhuri yeVanhu Vatanhatu Yakakwira muMadhora eMunyika


Zvimwe zvinonzi zvakakwidza mari inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu mutengo wemakabheji.
Zvimwe zvinonzi zvakakwidza mari inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu mutengo wemakabheji.

Apo mitengo yezvinhu zvinodiwa nemhuri zuva nezuva iri kuramba ichikwira munyika, sangano reConsumer Council of Zimbabwe rakazivisa neChipiri kuti mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inoita ZWL$3,6 million pamwedzi k uti ikwanise kurarama.

Mari iyi inonzi yakakwira nezvikamu zvinodarika makumi maviri nezviviri kubva muzana, kana kuti 22,66 percent, ichibva paZWL$2 958 460.00 mwedzi wapera.

Mugwaro rarakaburitsa, sangano iri rinoti mari inodiwa nemhuri imwechete mumadhora ekuAmerica yakadzikira kubva paUS$495,04 mwedzi wapera kuenda paUS$440,79 nekuda kwekugadzikana kana kuderera kwemitengo ye√inhu zvinotengeswa nemadhora ekuAmerica.

Mitengo iri kukwira munyika.
Mitengo iri kukwira munyika.

CCZ inoti zvekudya zvakanyanya kukwidza mari inodiwa nemhuri yevanhu vatanhatu zvinosanganisira makabheji, sauti, matomati, hanyanisi nemafuta ekubikisa, izvo zvinonzi zvakatengwa zvakanyanya munguva yezororo reKisimusi.

Munyori mukuru werimwe sangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu uku kuri kukonzerwa nekukwidzwa kwemitero nehurumende uye kunobaya vashandi zvakanyanya.

VaMoyo vanoti sesangano, vakatomboyambira hurumende nezekuipa kwedanho rekuwedzera mitero iri asi havana kuteererwa.

Vanotiwo zvimwe zvavakaona zviri kuitika ndezvekuti vezvitoro vari kukurudzira veruzhinji kushandisa mari yekunze, kunyange hazvo vashandi vakawanda vachiri kutambiriswa mihoro yavo mumadhora emunyika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG