Accessibility links

Breaking News

Bato reZanu Rinoti Rinomira neSouth Africa paDanho Rayo reKuendesa Israel kuDare reICJ


Mutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa nemushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko tv, VaFarai Marapira.
Mutauriri weZanu PF VaChris Mutsvangwa nemushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko tv, VaFarai Marapira.

Mutaurieri webato reZanu PF, VaChristopher Mutsvangwa, vanoti bato ravo riri kutsigira zvakanyanya danho rakatorwa ne South Africa rekuendesa nyika ye Israel kudare reInternational Court of Justice kuNetherlands ichiipomera mhosva yekuda kuparadza vanhu vechiPalestine vari muGaza.

Asi Israel iri kuramba mhosva iyi ichiti hondo yayo neHamas haina kunangana nekuparadza vanhuwo zvavo.

South Africa yakakwidza nyaya iyi zvechimbichimbi kudare iri ichipikisa kuti Israel iri kutyora chisungo che U.N. Genocide Convention nekupara mhosva dzehondo kuburikidza nekuuraya kwairi kuita vanhuwo zvavo muGaza.

Bazi rezvehutano muGaza rinoti vanhu vanodarika zviuru makumi maviri nezvitatu vaurayiwa kubva zvatanga hondo iyi.

Israel inotiwo vanhu chiuru nemazana maviri vakaurayiwa neHamas payakairwisa musi wa 07 gumiguru gore rapera.

Vachitaura pamusangano wavaita nevatori venhau muHarare VaMutsvangwa, vakurudzirawo bato guru rinopikisa reCitizens Coalition for Change kuti rirongeke risiyane netsika yekudzinganadzinga muparamende nemumakanzuru zvavati zviri kuzoita kuti nyika irambe ichipinda musarudzo dzema by-election ichitambisa mari nenguva.

VaMutsvangwa vakurudzira nhengo dzebato reCCC kusanganisira mutungamiri waro VaNelson Chamisa, kuti vagare pasi vagadzirise zviri kuvatambudza.

Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mu Zanu PF, VaFarai Marapira, vanoti vari kumira neSouth Africa nekuti hacvhisi chinhu chakavanzika kuti vana vemuGaza vaparadzwa, vachiti mumiriri wePalestine muZimbabwe chaiye mai vake vakaurayiwa nemabhambu eIsrael.

VaMarapira vanotiwo chaita kuti bato ravo rikurudzire CCC kuti izvigadzirise inyaya yekuti sarudzo dzema by-election adya mari inoita US11 million inove mari yaifanirwa kuendesa mberi nyaya dzebudiriro munyika.

Mutauriri weCitizens Coalition for Change, VaPromise Mkwananzi, vanoti Zanu PF ine maonero ayowo panyaya yeSouth Africa neIsrael, vachiti ikodzer ro yayo, asi vanoti matare ndizvo zvaakagadzirirwa zvekuyananisa panenge iane gakava.

Panyaya yekurudziro yekuti bato ravo rirongeke, VaMkwananzi vanoti zvinoshamisa kuti Zanu PF iri kutaura zvakadaro iyo iri iyo iri pamberi mukukanganisa bato ravo ichishana nevamwe vanhu vayakaisa kuti vaparadze bato rinopikisa iri.

Forum

XS
SM
MD
LG