Accessibility links

Breaking News

Kushomeka kweMari yeKunze Kwowedzera Matambudziko muNyaya dzeHupfumi Hwenyika Hurumende Ichivimbisa Kugadzirisa Dambudziko Iri


Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Hurumende inoti iri kugadzirisa matambudziko ari kukanganisa hupfumi hwenyika zvichisvitsa mukushaikwa kwemari yekunze munyika, izvo zvainoti zviri kuzoita kuti mitengo yezvinhu ikwire.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheDeVry University mudunhu reOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti dambudziko remari munyika hachisi chinhu chitsva uye hurumende inogara ichingoti iri kugadzirisa dambudziko iri asi pasina chinobuda.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi ichishanda iri kuBritain, Muzvare Chenai Mutambasere, vanotiwo kuvhurwa kwemusika wemari weResrve Bank of Zimbabwe Auction Floor sezviri kuvimbiswa nehurumende hakugadzirise dambudziko rekushaikwa kwemari yekunze.

Muzvare Mutambasere vanoti chinofanirwa kugadziriswa inyaya dzematongerwo enyika pamwe nekubudira vanhu pachena kuti dhora rekunze rinenge richitengeswa nemarii pamusika, kwete kuti vanhu vaone sevanohwandirwa.

Dhora remunyika risisina simba.
Dhora remunyika risisina simba.

Asi nyanzvi yezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, Doctor Prosper Chitambara, vanoti chinhu chinogara chichiitika kuti mukutanga kwegore kwega kwega mutengo wemari yekunze unokwira sezvo inenge ichishaikwa nekuda kwekuti zvinhu zvinopinza mari iyi munyika zvinenge zviriu zvishoma.

Izvi zvinotsigirwa neimwe nyanzvi yezvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, avo vanoti mari yekunze yanga ichiwanikwa munyika mukupera kwegore rapera uye kutanga kwaro gore rino ishoma zvikuru nekuda kwekuvhara kwemakambani uye mimwe migodhi sezvo mvura yave kunaya.

Saka dambudziko iri rinogadziriswa sei sezvo rave ndambirira hosha yemudumbu? Doctor Chitambara vanodzoka vachiti izvi zvinoitika chete kana hurumende yakadzosa chivimbo mudhora remunyika.

Asi Professor Masocha vanoti hurumende ngaitosunga dzisimbe igadzirise matambudziko ari kutadzisa kupinda kwemari yekunze munyika akaita sekushaikwa kwemagetsi nemvura kana ichida kuti dambudziko iri ripere zvachose.

Hurumende yakanga yavimbisa kuti iri kugadzirisa dambudziko remari yekunze kuburikidza nekuvhura musika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe Auction Floor.

R-B-Z yanga ichitarisirwa kuvhura musika svondo rino.
R-B-Z yanga ichitarisirwa kuvhura musika svondo rino.

Mitengo yezvinhu munyika inonzi iri kuramba ichikwira, kunyanya kune zvinhu zviri kutengeswa nemari yemunyika.

Ukuwo, vamwe vezvitoro vanonzi vave kutara mutengo wedhora rekuAmerica rimwechete vachiuenzanisa nemadhora emunyika zviuru zvipfumbamwe nemazana mashanu, kuchitiwo kune mamwe mabhanga ranga richitengwa nemadhora emunyika zviuru zvisere nemazana mana.

Pamusika mutema dhora rekuAmerica rinonzi ranga richitengwa nemadhora emunyika anodarika zviuru gumi nezvitatu.

Pataenda pamhepo tanga tisati tanzwa kuti hurumende yazovhura here musika wemari yekunze weReserve Bank sezvanga zvakatarisiwa

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG