Zvichitevera mutongo wapiwa nedare repamusoro reHigh Court wekurasa nyaya yakakwidzwa kudare iri nebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change yekupikisa kudzingwa kwenhengo dzaro nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu, vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vave kubvunza kuti zvine musoro here zvekuti bato iri rirambe rine chivimbo nematare emunyika?
Izvi zviri kuuya mushure mekunge matare arambidza zvakare nhengo dzebato iri kukwikwidza musarudzo dzema by-election dzakaitwa musi wa 09 Zvita gore rapera, kunyange hazvo bato reCCC rakanga rakwira kumatare richiti VaTshabangu vakanga vasina masimba ekudzinga nhengo dzaro.
Nhengo yeCCC mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora vanoti mutemo unopa mapato masimba ekudzinga nhengo dzawo muparamende nemumakanzuru wave kushandiswa zvisizvo nekudaro unofanirwa kutariswa zvakare kana kutobviswa mubumbiro remitemo.
VaDzvokora vari kupomera Zanu PF mhosva yekuisa matare muhapwa mayo nekushandisa vamwe vanhuvasineyi nebato ravo kuparadza CCC.
Asi nhengo yeZanu PF mudunhu reBritain, Doctor Masimba Mavaza vanoramba mhosva iyi vachiti bato reCCC rakazvikokera roga moto muziso nekusave nehutungamiri hunozivikanwa kana kuti structures, zvavanoti zvakapa kuti VaTshabangu vaite madiro aJojina.
Doctor Mavaza vanotiwo mutemo wekuti mapato adzinge nhengo dzinenge dzichitsautsira haufanirwe kubviswa sezvo wakanaka chose. Vanoti chinofanirwa kuitwa neCCC kurongeka
Forum