Mutungamiri wenyika VaEmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kusimuka munyika nhasi vakananga kuUganda kumusangano weNon Aligned Movement kana kuti NAM.
Vachitaura nebepanhau reHerald, mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba vati kumucheto wemusangano uyu, VaMnangagwa vanenge vachitsvaga rutsigiro kuti Zimbabwe ive nhengo yeUnited Nations Security Council kwemakore maviri. Asi vanopikisa vanoti VaMnangagwa havana kukodzera kupihwa chigaro chakadai sezvo vari kuvapomera mhosva yekutonga nedemo.
Security Council ine nyika gumi neshanu. Panyika idzi, shanu dzine masimba dzinogara dziri nhengo, asi dzimwe gumi dzinovhoterwa neUnited Nations General Assembly.
NAM ine nyika zana nemakumi maviri asi kumusangano uyu kune nyika makumi mapfumbamwe nenhatu. Dingindira remusangano uyu rakanangana nekuyedza kutsvaga nzira dzekugadzirisa matambudziko epasi rino kusanganisira nyaya dzehondo.
Mumwe mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vaudza Studio 7 kuti Zimbabwe yakakodzera kutora chigaro ichi .
Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo mutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa recitizens coalition for change, VaOstallos Siziba vati VaMnangagwa havana kukodzera kupinda muSecurity Council uye vanofanira kutanga vagadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Gweta uye vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya vanoti VaMnangagwa havangatungamire dzimwe nyika vaine maoko akasviba uye vachitonga nedemo.
Forum