Accessibility links

Breaking News

Vagari muMatabeleland neMidlands Vocherechedza Kutanga kweGukurahundi Vachiti Makore Makumi Mana neRimwe Chokwadi Hachizivikanwe


Gukurahundi Memorial Center
Gukurahundi Memorial Center

Vanhu veMatabeleland North, Matabeleland South, Midlands neBulawayo vacherechedza zuva rakapinda mauto eFifth Brigade mumatunhu avo achinzi airwisa vanhu vainge vapandukira hurumende paso pechirongwa cheGukurahundi.

Mauto ehurumende aya akapinda muMatabeleland musi wa 20 Ndira 1983, uye anopomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu, kushungurudza uye kuponda vanhu vasina mhosva, izvo zvinonzi zvakasiya vanhuwo zvavo vanodarika zviuru zviviri vafa uye vamwe vakawanda varemadzwa nekutiza misha yavo.

Mukucherechedza zuva iri, rimwe sangano rinorwira kodzero dzevanhu, re Ibetshu LikaZulu raita musangano paFidelity Life Centre muBulawayo nevana vakazvarwa munguva yeGukurahundi, avo vatove masadzimba, vachipawo matambudziko avari kusangana nawo akakonzerwa neGukurahundi.

Guva revanhu vakaurayiwa munguva yeGukurahundi.
Guva revanhu vakaurayiwa munguva yeGukurahundi.

Mutewedzeri wasachigaro weLibetshu LikaZulu, VaThamsanqa Ncube, vanoti matambudziko abuda mumusangano wavaita nevana ava anosanganisira ekushaiwa mikana yekupinda mabasa nekuda kwekuti havana zvitupa, dambudziko rinonzi rave kukanganisawo vana vavo.

Senzira yekuedza kugadzirisa nyaya yeGukurahundi, iyo yanetsa kwemakore makumi mana nerimwe, hurumende yakaparura chirongwa chichange chichitungamirirwa nemadzimambo emumatunhu e Matabeleland.

Asi VaNcube vanoti sesangano, havatambire hurongwa hwekuti madzimambo ave ivo anogadzirisa dambduziko iri vachiti madzishe mazhinji aripo nhasi akanga ari vana vadiki kana kutenge asati aberekwa pakaitika Gukurahundi, uye madzimambo aitoshungurudzwawo.

Hurumende yakati madzimambo atungamire nyaya yeGukurahundi.
Hurumende yakati madzimambo atungamire nyaya yeGukurahundi.

Vanoti hurumende inofanirwa kupa basa rekugadzirisa nyaya iyi kune vaive vatongi vematare vakaenda pamudyandigere nekutsvaga vekunze vanokwanisa kuita basa iri.

Vanoti havasi kufarawo sesangano kuti madzimambo edunhu reMidlands haana kupinzwawo muchirongwa chekugadzirisa gakava iri, uye vakashamiswa kuti dunhu reBulawayo rakasiiwa kunze kunyange hazvo vanhu vakawanda vaishungurudzwa vakatiza vachienda kunopotera muBulawayo.

Varwiri vekodzero vakawanda vanoti kunyange hazvo hurumende iine zvayave kuita kugadzirisa nyaya yeGukurahundi, zvakakosha kuti chokwadi chezvakaitika chibude kuitira kuti pave nekupodzwa kwemaronda nekuregererana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG