Accessibility links

Breaking News

CCC Inoti Ichapikisa Kurambidzwa kweNhengo Dzayo kuKwikwidza


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change rinoti rine hurongwa hwekupikisa mutongo wakapihwa nedare repamusoro wekurambidza dzimwe nhengo dzaro dzedare reparamende nemakunzuru makumi maviri nematatu kukwikwidza musarudzo dzichishandisa zita rekuti Tripple C.

Izvi zvinotevera kuendeswa kwenhengo idzi kumatare nevari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri VaSengezo Tshabangu.

VaTshabangu vari kunzi neCCC havasi nhengo yebato iri vanoti hakuna munhu anokwanisa kukwikwidza wavanenge vasina kutendera.

Asi VaTshabangu vanoramba kuti vari kushanda neZanu-PF. Kunyangwe VaChamisa vakaendawo kumatare vachiti VaTshabangu vasashandise chiso chavo vasina mvumo, matare haasati apa mutongo wavo panyaya iyi.

Mukuzeya nyaya iyi, tabata vaikokera bato reTripple C mudare reparamende, VaAmos Chibaya, avo vakarambidzwawo kukwikwidza. VaChibaya vanoti kurambidzwa kwavo mabasa eZanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Sezvo tichitema tisina divi ratinorerekera, tabatawo mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaFarai Marapira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG