Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vanoongorora zveHupfumi Vokurudzira Hurumende Kukasika Kutora Matanho Anodzikamisa Dhora reMunyika


Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti hurumende iri kutora matanho ekudzikamisa hupfumi hwenyika.
Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti hurumende iri kutora matanho ekudzikamisa hupfumi hwenyika.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi pamwe nevanoongorora zvehupfumi vanoti dambudziko rekushomeka kwemari yekunze munyika rinogadzirisika chete kana hurumende yatora matanho anodarika kungoburitsa magwaro ekuti iri kuita izvi neizvo.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa kuti hurumende iri kutora matanho ekudzikamisa hupfumi hwenyika, anosanganisira kuvandudzwa kwemusika wemari yekunze weReserve Bank of Zimbabwe Foreign Currency Auction Floor, pamwe nekuwedzera mari yekunze inotenderera mumisika, uye kusimbisa dhora remunyika.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa pachikoro chepamusorosoro cheDeVry University mudunhu reOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti chinoratidza kuti hurumende haina hudzamu hwekugadzirisa dambudziko iri inyaya yekuti yava nenguva ichiti iri kutora matanho ekurigadzirisa anosanganisira kuunza musika wemari yekunze asi hazvina kubatsira.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kuti dambudziko remari yekunze ripere hurumende inofanirwa kutanga yadzika mitemo yainozotevera iyo pachayo, inosanganisira kuchengetedza hudzamu hwedhora remunyika, vachiti kana izvi zvakasaitika nyika inoramba iri mumadhaka mairi.

Izvi zvinotsinhirwa neimwe nyanzvi yezvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimwoyo Mutambasere, avo vanoti zvinofanirwa kuitwa nehurumende kutanga yagadzirisa nyaya dzehutongo hwakanaka, vachiti kana izvi zvisina kugadziriswa mamwe matanho ose angatorwa haana chaanoburitsa.

Nyanzvi mune zvehupfumi vari mukuru wekambani yeBullion Group lnternational uye vari chipangamazano che R-B-Z, VaPersistence Gwanyanya, vanotiwo panofanirwa kuve nedzikamo yedhora remunyika kuti rikwanise kutambirwa neveruzhinji, vachiti dzikamo iyi inotangira pakuti hurumende yatambira dhora remunyika.

Hurumende yakambenge yavimbisa kuti yaizovhura musika wemari yekunze weRBZ svondo rapera, asi izvi hazvina kuzoitika.

Nekuda kwekushaikwa kwedhora rekuAmerica munyika, mutengo waro pamusika mutema zvese nekumabhanga nemuzvitoro uri kuramba uchikwira, zvekuti dhora rimwechete rave kutengwa nemadhora emunyika ari pakati pezviuru gumi nezvitatu kusvika kumadhora zviuru gumi nezvishanu.

Kunze kwekunge patorwa matanho anorarama nekusingaperi, dambudziko iri harionekwi richiguma nekukasika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG