Nigeria yaita chikwata chekutanga kupinda muSemi Final yemakwikwi eAfrica Cup of Nations ari kutambirwa kuIvory Coast mushure mekurova Angola 1-0 nechibodzwa chabva kuna Ademola Lookman mumaminetsi makumi mana nerimwe emutambo uyu muchikamu chekutanga.
Izvi zvave kureva kuti Nigeria ichasangana nechikwata chinenge chakunda pamutambo weQuarter Final pakati peSouth Africa neMugovera.
Mutambo wepiri wemaQuarter Final neusiku hweChishanu uri pakati peDemocratic Republic Of Congo neGuinea.
NeMugovera Ivory Coast, iyo iri pamusha, iri kusangana neMali dzichizoteverwa nemutambo wakatarisirwa nevakawanda pakati peCape Verde neSouth Africa.
Murairidzi wechikwata cheSimba Bhora, Tonderayi Ndiraya, anoti ari kutsigira chikwata cheNigeria kusvika kumagumo emakwikwi aya, asi achiti zvikwata zvese zvine mukana wekusimbudza mukombe wegore rino.
"Mari yangu iri paNigeria. Ndiyo yandagara ndichitsigira, asi zvatawona mumakwikwi aya ndezvekuti zvimwe zvikwata zvidiki zviri kutamba zvinonwisa mvura zvinogona kuita kuti vasasimudze mukombe wegore rino," anodaro Ndiraya.
Forum