Vamwe vakaremera munyika vari kunyunyuta kuti matare edzimhosva mazhinji haana zvikwanisiro kana vaturikiri vanobatsira kuti nyaya dzavanenge vamhan’ara kana kumhan’arirwa dzitongwe.
Mumwe wevakadai ndiAmai Kudzanayi Karota, avo vane nyaya yavo yakange yaraswa gore rapera nekuti dare remajistireti kwaMutoko rakanga risina muturikiri wemutauro wekushandisa maoko kana kuti sign language.
Amai Karota vakange vaendesa nyaya yekurohwa kwavaiti vainge vaitwa vakatyoka ruoko nemukuru wechikoro cheKachimana Primary, VaTendayi Nyambuya, pamusangano wevabereki uyo wakaita bopoto.
Vakazotura mafemo mazuva mashoma apera apo sangano reZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR rakapindira rikanyora tsamba kuvakuru vedare richikumbira kuti patsvagwe muturikiri.
Gweta reZLHR, VaKelvin Kabaya ,vari kumirira, Amai Karota, vanoti mukuru wevatongi vemamajesitiriti mudunhu reMashonaland East , Amai Sekai Chiwundura, vakapindura tsamba yavo vachiti nyaya iyi yave kunzwikwa sezvo vakazowana muturikiri.
Izvi zviri kuitikawo kune vakaremara vakawanda munyika avo vanenge vasina rombo rekubatsirwa nemasangano akaita seZLHR.
Mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevakaremara reNational Association of Societies for the Care of Handicapped(NASCOH), Amai Joyce Matara, vanoti kushaikwa kwezvikwanisiro kutyora kodzero devakaremara idzo dziri muchikamu 69.3 chebumbiro renyika.
Amai Matara vatiwo vari kushanda nekomisheni inoona nezvemashandiro ematare yeJustice Service Commission kana kuti JSC. Munyori mubazi rehurumende rioona nezvematare reJustice Service Commission(JSC), VaWalter Chikwana vati vange vari mumusangano vakati tibate mutauriri webazi ravo VaDaniel Nemukuyu avo vakati vachiri vanoda nguva yekutsvakurudza nezvenyaya iyi.
Mukuru webasa musangano reInstitute for Community Development(ICOD), Muzvare Vongai Tinarwo, vakurudzira hurumende kuti idzidzise vashandi vekumatare edzimhosva pamwe nemapurisa mitauro yevakaremara kuti zvireruke.
Mumwe anorwira kodzero dzevakaremara akazvimirira Amai Theresa Hungwe vanoti kunze kwekushaikwa kwezvikwanisiro vanosangan nedambudziko rekusarudzwa nekutaririsirwa pasi nevashandi vakumatare.
Vanomirira vakaremara mudare reSenate, VaIshmael Zhou vanoti vari kusunda kuti kugadzirwe mutemo wekuti mutauro wemaoko kana kuti sign language udzidziswe munhu wese kubva kuzvikoro kuti vasingatauri nekunzwa vasazonetseka munyika.
Hatina kukwanisa kunzwawo divi regurukuta remitemo VaZiyambi Ziyambi avo vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura mibvunzo.
Forum