Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe, VaBert Chiduza, vanove mukuru kana kuti IT Director pane imwe kambani inoita zvehunyanzvi hwemakombiyuta iri dhorobha reBaltimore mudunhu reMaryland muAmerica.
VaChiduza vakaberekwa mugore ra 1974 muguta reHarare vabereki vavo vachigara mukamba yemapurisa yeTomlison Depot, sezvo baba vavo vaive mapurisa.
“Tichingowana independence takabva tabudawo mukamba yemapurisa tiakenda kuMabelreign, kuSunridge, to be very precise. Saka ini ndakakurira mu Sunridge, muHarare imomo umu. Saka muno muAmerica ndakazouya muna 2007,” vanotsanangura VaChiduza.
Asi vasati vaenda kuAmerica, VaChiduza vanoti vakambogara kuBritain, uko vanoti vakashanda mabasa akasiyanasiyana kusvika vazoita zvidzidzo zvemakombiyuta.
“Munongozivavo kuti kunyika dzisiri dzako unombotanga uchikiyakiya. Saka ndakazochinja because original qualification yanga iri ye marketing management. But patikazokomborerwa tikaenda kuUK takaenda kuchikoro ikoko kunoita Computer Science. Ndopandakazotanga basa reIT randakazoramba ndichiita continue patakauya kuno (kuAmerica) kusvika nazvino.”
Vanoti vari kubatsirawo vana veZimbabwe vanenge vachiita zvidzidzo zvemakombiyuta kuburikidza nekuvawanisa mikana yekudzidzira basa kukambani kwavo, vanenge vabudirira vachizowana mukana wekupinda basa ipapo.
VaChiduza nemhuri yavo vari kubatsirawo vana vechikoro vanoshaya vari kumusha kuZimbabwe kuburikidza nekuvatumira makombiyuta ekushandisa kuchikoro.
Vanoshandawo zvakare nesangano rezvizvarwa zvinobva kuZimbabwe zviri munharaunda yeDC-Maryland-Virginia (D-M-V) muAmerica, reCoalition For Zimbabweans In the DC Area (COZDA), iro rinobatsira vari kumusha vanoshaya.
VaChiduza nemudzimai wavo, Amai Monica Chiduza, nevana vavo Mufaro naTadiwa, vakabatana nesangano reCOZDA, vakabatsirawo kiriniki yePokoteke iri kuNjanja nezvikwanisiro.
Vanoti chinongovarwadza chete ndechekuti vana vari kuberekerwa kunze kwenyika nezvizvarwa zveine midzi yekuZimbabwe vazhinji vacho havakwanise kushandisa mikana yekuti vange vachizvisimudzira muhupenyu, uyewo kusimudzira vamwe vavo vanenge vasina mikana.
Shoko guru ravanosiira vana veZimbabwe nderekubatana nekushanda pamwe.
“Ngatibataneyi semaZimbabweans. Ngatibatsiraneyi semaZimbabweans. Ngatisimudziraneyi semaZimbabweans. Nekuti hakuna mumwe munhu weimwe nyika achauya kuzotida asati abatsira kana kusimudzira vekwake,” vanodaro VaChiduza.
Forum