Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vavandudza zvirango zvavakatemera vamwe vatungamiri wenyika yeZimbabwe.
VaBiden vabvisa vanhu vakawanda pazvirango asi vakasiya mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa, mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantine Chiwenga uye vakuru vemauto nemapurisa. Asi vamwe vakawanda vabviswa.
VaMnangagwa vari kupomera mhosva yekuita huwori mukutengeswa kwegoridhe nemangoda uye kushandisa mauto kutyora kodzero dzevanopikisa Mudzimai wavo ari kunzi ari kuwanawo cheuviri kuburikidza nehuwori.
Vamwe Vatemerwa Zviranago
Oppah Muchinguri Kashiri- Gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika
Godwin Matanga- Mukuru wemapurisa
Stephen Mutamb- Mutevedzeri wemukuru wemapurisa
Walter Tapfumaneyi (Tapfumaneyi)- mumwe mukuru kuvasori (CIO)
Owen Mudha Ncube- Gurukota redunhu reMidlands
Kudakwashe Tagwirei- Muzvinabhizimisi anodyidzana naVaMnangagwa.
Sandra Mupunga- Mudzimai waVaTagwirei
Obey Chimuka- Anoshanda naVaTagwirei
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaFredrick Shava kana mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.
Asi mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika VaRichard Mahomva vati zvirango izvi hazvisi pamutemo wenyika dzepasi rino. Varamba zvekuti hurumende yeZimbabwe inobirira sarudzo nekutyora kodzero dzevanhu.
Vashorawo America vachiti iri kuzvishandisa kumbunyikidza Zimbabwe. Mashoko aya atsinhirwa nenhengo yeZanu-PF vari mumiriri weBikita South mudare reparamende VaEnergy Mutodi vati vari kukurudzira nhengo dzedare reparamende kuti dziende kuAmerica kunokurudzira kuti zvirango kuti zvibviswe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology Muzvinafundo Ricky Mukonza vaudza Studio 7 kuti nyaya yekuita sarudzo dzisina kuchena ndiyo iri kupa kuti Zimbabwe ibatwe seyakageza negoka munyama.
Forum