Nyaya yezvirango zvakabviswa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden panguva iyo nyika yavo ichitemera zvakare mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe zvimwe zvirango yakonzera mutauro munyika, vamwe, zvikuru muhurumende nemuZanu PF, vachiti America yakapa nerudyi ichitora zvakare neruboshwe.
VaMnangagwa nevamwe gumi nemumwe pamwe nemakambani matatu, vakaiswa pazvirango zvitsva zveGlobal Magnistsky Programme vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu pamwe nekuita zvehuwori.
Vamwe pazvairango zvitsva izvi vanosanganisira mudzimai waVaMnangagwa, Amai Auxillia Mnangagwa, mutewedzeri wamutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, muzvinabhizimusi VaKuda Tagwireyi nemudzimai wavo, gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika, Amai Oppah Muchinguri, gurukota redunhu reMidlands VaOwen Ncube, mutewedzeri wemukuru wevasori veCentral Intelligence Organisation, VaWalter Tapfumaneyi, pamwe namuzvinabhizimusi VaObey Chimuka.
Makambani akaiswa pazvirango izvi eSakunda neFossil Group anonzi ndeaVaTagwirei naVaChimuka.
Vari kushoropodza zvirango izvi vanoti kubviswa kwezvimwe zvirango hakuna zvakunobatsira kana mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act kana kuti ZIDERA, uyo wakadzikwa nedare repamende remuAmerica reCongress muna 2001 uchiripo.
VaRichard Mahomva, vanove mukuru weboka rekudyidzana nedzimwe nyika mune zvemashoko, reInternational Communication Services, vanoti zvakaitwa neAmerica zvinoratidza kuti inyika inongogara ichida kumbunyikidza dzimwe nyika.
Asi gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti nyaya yekuramba kodzero dzevanhu dzichityorwa munyika, pamusoro pezvo poita kukwira kwenyaya dzehuwori muzvicherwa, ndizvo zvaita kuti VaMnangagwa nevamwe vavo vazvigokere zvirango izvi.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachidzidzisa paDevry University muOhio muno muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvirango zveZIDERA hazvikwanise kungobviswa pasina kugarwa pasi neparamende yeAmerica sezvakaitika pazvakadzikwa.
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute, of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kubviswa kwezvimwe zvirango kwakakosha sezvo kuchibatsira mabhizimisi emuZimbabwe kuti akwanise kutengeserana nemakambani ekunze, zvikuru emuAmerica.
Asi muzvinabhimusi uye vakambotungamira sangano reCZI, Doctor Callisto Jokonya, vanoti zvakaitwa neAmerica zvekubvisa zvimwe zvirango zvinoratidza nzira yakarurama nekuti iri kuratidza kuda kudyidzana neZimbabwe.
Asi vanoti izvi hazvina zvkuru zvazvinobatsira kana chete zvirango zveZIDERA zvichinge zvichiripo.
Nhengo yedare reSeneti muAmerica vari nhengo yekomiti yeSeneti inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, kana kuti Senate Foreign Relations Committee, Va
, vebato reRepublican vachimirira dunhu reIdaho vati kudzikwa kwezvirango zve Global Magnitsky pavanhu gumi nevana kusanganisira makambani matatu inzira itsva yekubata nayo nyaya yezvirango muZimbabwe.
VaRisch vati kunyange hazvo vachitsigira zvirango zvitsva izvi, vanoda kuti hurumende yaVaBiden inyatsoshandisa mutemo weZIDERA, yoona kuti mikana yese yekudyidzana nehurumende yeZimbabwe yatariswa patsva, nekushandisa mikana yose yekudyidzana kuti paumbwe mubatanidzwa wekurwisana nehuwori nekutsigira vanhu vemuZimbabwe.
VaMnangagwa ndivo mutungamiri wenyika wekutanga kutemerwa zvirango zveGlobal Magnistsky Programme.
Forum