Accessibility links

Breaking News

VaBiden naVaTrump Votarisirwa Kukwikwidzinazve Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaJoe Biden na VaDonald Trump vanotarisirwa kukwikwidzira hutungamiri hweAmerica muna Mbudzi sezvavakamboita muna 2020.
VaJoe Biden na VaDonald Trump vanotarisirwa kukwikwidzira hutungamiri hweAmerica muna Mbudzi sezvavakamboita muna 2020.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vebato remaDemocrats nevavakakunda musarudzo dzemuna 2020 VaDonald Trump vemaRepublicans ndivo vave kutarisirwa kukwikwidzana musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

Kuti vakunde, VaTrump vanoda vanhu kana kuti ma"delegates"chiuru chimwe chete nemazana maviri negumi nemashanu kana kuti 1, 215 kuti vakwanise kumiririra bato ravo. Parizvino vane mavhoti chiuru chimwe chete nemakumi mashanu nemumwe kana kuti 1, 051.

VaBiden parizvino vane vanhu kana kuti madelegates chiuru chimwe chete nemazana mapfumbamwe nekumi matanhatu nemasere kana kuti 1, 968. Asi parizvino vane chiuru chimwe chete nemazana mashanu nemakumi mapfubamwe nevana kana kuti 1, 594.

Vange vachikwikwidzana navaTrump, Amai Nikki Haley vazivisa nhasi kuti vave kubuda musarudzo dzebato ravo remaRepublicans.

Musarudzo dzakaitwa nezuro mumatunhu gumi nematanhatu dzakaitwa neChipiri, VaBiden naVaTrump ndivo vakakunda mumatunhu akawanda. VaTrump vakakunda mumatunhu akaita seVirginia, Alabama, Maine, Colorado, North Carolina, Minnesota, Texas, Oklahoma, Tennessee, North Carolina, Massachusetts, Arkansas neCalifornia.

VaBiden vakakundawo kuCalifornia, Iowa, Virginia, North Carolina, Vermont, Oklahoma, Tennessee, Massachusetts, Maine, Arkansas, Texas, Alabama, Colorado neMinnesota

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaFrenk Guni vaudza Studio 7 kuti zvakabuda musarudzo idzi VaTrump naVaBiden ndivo vachapinda zvakare mudariro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG