Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro nechizvarwa cheZimbabwe vari muzvinabhizimusi, VaDenis Juru, avo vakabatsira vanoshaya senzira yekucherechedza zuva rekuberekwa kwavo iro raive kutanga kwemwedzi uno.
VaJuru, avo vanove zvakare mutungamiri wesangano re International Cross-Border Traders Association, vanoti vakakwanisa kuunganidza mari inosvika 120 000 Rand yavakashandisa mukubatsira vanotambura vari mudunhu reNorth West, muSouth Africa mavagere.
Vanoti kunze kwekutengera chikafu vanoshaya nevanogara mumigwagwa yenzvimbo dzinosanganisira Mafikeng neRustenburg mudunhu reNorth West, vakabhadharirawo mari yechikoro kuvana gumi vari muzvikoro zvepamusorosoro kana kuti mayunivhesiti, uyewo nekuvatengera vamwe vanodarika makumi mashanu mbatya dzechikoro pamwe nezvikwanisiro.
VaJuru, avo vanoti vave nemakore vachipemberera zuva rekuberekwa kwavo nenzira iyi, vanoti chido chavo chekuti vange vachiita zvakadaro kuZimbabwe, asi vanoti vakaona zvakakosha kuti vambodzorerawo kuvanhu vari kuvabatsira kuvasimudzira.
Vanoti rubatsiro rwavo rwakanga rwusina kunangana nerudzi kana kuti munhu anobva kunyika ipi, vachiti vakabatsira vanhu vakawanda vanosanganisira zvizvarwa zveZimbabwe nezvekune dzimwe nyika.
Asai vanoti mune remangwana vane hurongwa hwekuendesa chirongwa chavo ichi kuZimbabwe.
Vanokurudzira vana veZimbabwe kuti vaitewo bandiko ravo pakubatsira vanoshaya.
Forum