Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaGilbert Chimwe, avo vari kuBotswana nemhuri yavo inoti mudzimai nevana vaviri.
VaChimwe vakaberekerwa kuBuhera mudunhu reManicaland, asi vakazokuririra kuBulawayo, uko vakaita zvidzidzo zvavo zvose.
Muna 2007 vakazobva muBulawayo vachibuda munyika vachiyambuka muganhu kupinda muBotswana umo vakasvikoshandira imwe kambani inoita zvemagetsi, vachibva vazobva vachinotangawo kambani yavo yeGITZ Engineering, iri muGaborone, iyo inogadzira zvakasiyanasiyana zvinosanganisira zvekushandisa mudzimotokari.
"GIZT Engieering ikambani inoita mabasa ari engineering related kusanganisira mechanical engineering. Tinogadzira ma hydraulics, tobva taita workshop inoita machine and steel fabrication. Tiri kunyanya ku specializer ma products emotokari," VaChimwe vanotsanangura.
Vanoti basa ravari kuita muBotswana ibasa ravakadzidzira vachiri kuchikoro ravakazomutsiridza vaenda kunze.
Vanoti ivo neshamwari dzavo mbiri vane hurongwa hwavakatosimudza hwekutanga kambani hombe muGweru mudunhu reMidlands, iyo vanoti ichange yakakura kudarika yavanayo iye zvino.
Sezvo mutemo wemuBotswana uchisungira kuti makambani anobva kunze ange achipinza basa zvizvarwa zvenyika iyi chete, VaChimwe vanoti vakangokwanisa kupinzawo basa zvizvarwa zveZimbabwe zvitatu chete.
VaChimwe nekambani yavo yeGITZ Engineering vanobatsirawo vanoshaya pamwe nemasangano anomirira vakaremara nevanotambura munzvimbo mavagere.
Vanoti kune vana vose veZimbabwe vane zvavari kufunga kuita muhupenyu hwavo, "The sky is the limit pakuita shuviro yavainayo muhupenyu. Ndinovimba kuti ukashingirira nechaunenge uchida kuita nekutungamidza Mwari kumberi, Mwari anowanika ari iye anokuzarurira mikova yako kuti basa rako riende mberi."
Forum