Bato reZanu PF riri kupomerwa mhosva yekushandisa chikafu chinofanirwa kunge chichigoverwa kune vanoda rubatsiro pachena sechombo chekutsvagisa rutsigiro mumatunhu akatarisana nesarudzo dzema by-election.
Izvi zvinotevera mashoko anonzi nebepanhau reMasvingo Mirror ataurwa nasachigaro veZanu pf mudunhu reMidlands, VaEdson Chiherenge, ekuti hurumende ine chikafu chakawandisa asi chichapiwa nhengo dzeZanu PF chete.
Vanonzi vataura mashoko aya pamusangano webato ravo waitirwa pa Rugare Shopping Centre muTorwood wekutsvagira nhengo yebato ravo rutsigiro musarudzo ye by-election ichaitwa muWard 3.
Zanu PF ichamirirwa musarudzo iyi naAmai Christine Sigauke, avo vachange vachikwikwidzana naVaTinei Siziba naVaRangarirai Sibanda, avo vari kukwikwidza vakazvimirira.
Izvi zvinonzi zviri kuitikawo mune mamwe matunhu anofanirwa kunge vanhu vachiwaniswa rubatsiro rwechikafu sezvo nyika yakatarisana nenzara inotyisa.
Hatina kukwanisa kubata VaChiherenge kuti tinzwe zvavanoreva nemashoko aya.
Asi mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vaudza Stduio 7 kuti vanhu vatadza kunzwa kunzwa zvanga zvichitaurwa naVaChiherenge.
VaMarapira vati Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakataura ivo kuti mutungamiri wemunhu upi neupi wemukati meZimbabwe, havatungamire bato asi vanotungamira nyika. Nekudaro, vachaita kuti upi neupi mwana weZimbabwe awane rubatsiro.
Munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko mubato re MDC inotungamirirwa naVaDouglas mwonzora, VaLlody Damba, vanoti vanoshora zvikuru kushandiswa kwechikafu mune zvematongerwo enyika.
VaDamba vanoti bato ravo richaita hurongwa hwekudzidzisa vanhu mumaruwa nemumapurazi pamusoro pekodzero dzavo mukuwana rubatsiro rwechikafu vachiti mari inotengeswa chikafu ichi inobva kumitero inobhadharwa nevana veZimbabwe, kusanganisira vemapato anopikisa.
Asi nhengo yeZanu PF iri kuBritain, Doctor Masimba Mavaza, vanoti vanhu havana kunzwisisa mashoko airehwa naVaChiherenge, vachiti aive akanangana nekubatanidza vanhu vemuMidlands.
Asi vanoti zvavo mumhuri chikafu chinotanga kugoverwa kune vemhuri, chozoti chooendeswa kune vatorwa, vachiti mwana wehuku anodya aripo.
Doctor Mavaza vanoti bato ravo rinoremekedza bumbiro remitemo yenyika nekudaro chikafu hachifanirwe kushandiswa sechombo chekutsvagisa rutsigiro.
Vanoyambira zvavo nhengo dzebato ravo dziri kushandisa chikafu sechombo kuti mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa havazotyi zvavo kutorera matanhu vanosvibisa musangano vachinyima vanhu chikafu.
Sarudzo dzemuWard 3 dziri kuuya zvichitevera kushaya kwevaive kanzura vari meya veRedcliffe, VaClayton Masiyatsva.
Forum