Nhasi nzira dzose dzinenge dzakanaga kwaMurambinda ‘B’ High School ku Buhera, Manicaland uko kuri kuitirwa mhemberero huru dzekuwana kuzvitonga kuzere idzi.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa nezuro vakaitira vana mabiko pachikoro chemurambinda B apa. VaMnangagwa vati vechidiki vanofanira kuziva kuti vanofanira kuve nechekuita nekuvakwa kwenyika.
Asi vachinyorawo padandemutande ravo reX, yaimbonzi Twitter, vaive mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change VaNelson Chamisa vati mhemberero hadzifanire kuve dzevashoma vamwe vachinonga svosve nemuromo.
Izvi zvatsinhirwa nevakarwa hondo yerusungunuko VaBernard Manyadza vaive nhengo yeZANLA High Command vaizivikanwa nezita rekuti Parker Chipoyera.
Studio 7 yabata muaturiri webato reZanu-PF VaChris Mutsvangwa nemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato iri VaFarai Marapira asi vange vasiri kudaira nharembozha dzavo. Asi vanomirira ZANU PF kuBikita South mudare reparamende VaEnergy Mutodi vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvekupemberera.
Asi vakafanobata chigaro chemutauriri wechimwe chikwata chebato reCitizens Coalition for Change VaPromise Mkwananzi vati hapana chekupemberera
Izvi zvatsinhwa nemutauriri webato reMDC VaLlyoid Damba avo vanoti kutambisa nguva uku.
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzemadzimai reWomen's Academy for Leadership and Political Excellence Muzvare Stabile Dewa vanoti vari kupemberera zvavo semadzimai asi havasati vawana rusungungo ruzere.
Zvichakadaro, VaMnangagwa varegererawo vanhu vakawanda vange vari mumajeri senzira yekupemberera zuva rekuwana kuzvitonga kuzere.
Forum