Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Oga muGhana Obatana neVamwe Kurwisa Huori


Huori idambudziko guru muGhana uye mapazi ehurumende akapihwa basa rekuhurwisa ari kutatarika.

Asi masangano akazvimirira oga ari kutora mutoro uyu achibatsira kufumura huori muhurumende nekudzidzisa vanhu uye kuona kuti vanenge vapara mhosva vachuchiswa.

Gwaro rakaburitswa nesangano rinoona nezvekurwisa huori gore rapera reTransparency International rinoti munyika dzakawanda dzemuAfrica, nyaya dzekurwisa huori dzadzokera kumashure.

Huori richiri dambudziko munyika dzakawanda kusanganisira muGhana. Komisheni inoona nezvekodzero dzevanhu muGhana yeCommission on Human Rights and Administrative Justice (CHRAJ) inoti huori hunotora mari inosvika zvikamu makumi maviri kubva muzana kana kuti 20% zvebhajeti yenyika iyi.

Asi mupepeti mukuru werimwe sangano revatori venhau rinoshanda nesangano reThe Fourth Estate VaKofi Enchill vanoti vari kumira semusambangwena kurwisa huori uhu.

Vati, “Tinoshanda nevanhuwo zvavo muGhana, tinoshandawo nevamwe vanoridza huwi kana vaona pari kuitwa huori. Tinodzika kumidzo chaiko kwenyaya tichiferefeta. Kana taita ongororo yedu tinoshandisa madandemutande akaita seYou Tube nemamwe kufushunura huori."

Bepanhau iri rinowanzotarisa nyaya dzekurwisa huori. Kubva zvarakaparurwa muna 2021, rakwanisa kuburitsa nyaya dzakawanda dzakashamisa vakawanda. Imwe nyaya yaive yekutevedzerwa kwemutemo wekuti vari muhurumende vaburitse pachena hupfumi hwavainahwo.

Bepanhau reFourth Estate rakaenda Commission on Human Rights and Administrative Justice ikaferefeta zvainge zvainge zvataurwa nevari muhurumende. VaEnhill vanoti,

“Patakati tiri kuda kuita nyaya iyi, vashandi vehurumende mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nevana vakabva vakurumidza kuzivisa ruzhinji nezvehupfumi hwavo. Asi patainge tisati taburitsa nyaya iyi, vainge vasati vazivisa ruzhinji sezvimotarisirwa pamutemo. Asi patakaburitsa nyaya yacho vakabva vaita chipata pata kuzivisa veruzhinji. Tinofunga izvi zvakaratidza kuti zvatiri kuita zviri kushanda uye zvakava chidzidzo kuvakuru vehurumende nevashandi vacho.”

Vanorwisa huori muGhana vanoti kunyangwe hurumende yakaparura hurongwa hweNational Anti-Corruption Action Plan hwekurwisa huori, pachine zvakawanda zvinoda kuitwa

Mukuru werimwe sangano rinorwisa huori reGhana Integrity Initiative, Mary Awelena Addah anoti. “National Anti-Corruption Action Plan, hwaro hwakarongwa kuti tirwise huori. Asi unotoona kuti pane mikaha yakawanda iripo yatisiri kugadzirisa nekudaro zvinopa kuti kurwisa huori kunetse.

Zvimwe zvisina kugadziriswa inyaya yekusasimbiwa kwemitemo inobatsira vanorwisa huori yakanangana nekusunga uye kuchuchisa vanoita zvehuori. Asi masangano akazvimirira oga akaita seCentre for Democratic Development (CDD) ari kuzadzikisa gwanza iri. Muna 2017 vakaparura hurongwa hweCorruption Watch Project mechinangwa chekuderedza nyaya dzehuori.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa muCDC VaKojo Pumpuni Asante vanoti, “ Tinotanga kuferefeta nyaya dzehuori, titori nevatori venhau vanoita basa rekuferefeta iri. Vanoshanda vari chikwata, vamwe vanoteverawo nyaya dziri kuitwa uye dzakamboitwa asi dzikasapedziswa kana kukanganganwikwa.”

Zvaitwa nemasangano aya mumakore manomwe adarika kunenge kuri kubatsira zvakanyanya.

VaAsante vanoti, Kwatiri, chinagwa chedu ndechekupedza dambudziko rehuori zvachose. Tinoda kuti vanhu vagare vachizviziva mupfungwa dzavo kuti huori hunofanira kurwiswa. Munhu wose anofanira kuita chirwirangwe. Vanhu kare vange votofunga kuti huori ndiwo mugariro hapana zvekuita.”

Nekuda kwekushanda kwemasangano akazvimirira oga aya, pfungwa yekurwisa huori yave kugara iri mupfungwa dzevanhu.

Mukuru wesangano reGhana Integrity Initative, Mary Awelena Addah anoti, Kuburikidza nemabasa atiri kuita, taburitsa pachena kuti huori hunofanira kurwiswa tichiburitsa humbowo hwezviri kuitika. Uye kuti tirwise huori panoda kuzvipira.”

Sangano reTransparency International rinoti kwemakore mana adarika, nyaya dzekurwisa huori muGhana dzangoramba dziri panzvimbo imwe chete pasina chiri kufamba. Muongororo yakaitwa gore rapera, Ghana yakapihwa chidanho chepasi pasi. Panyika zana nemakumi masere dzakaongororwa, Ghana yange iri pachidanho chechimakumi manomwe.

Kune vakawanda, kusunga vashandi vehurumende vanoita zvehuori ndiko kwakakosha mukumisa nyaya dzehuori.

Nyaya iyi yatumidzirwa naIsaac Kaledzi VOA mukaiverengerwa neni Blessing Zulu VOA

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG