Accessibility links

Breaking News

Huori Hwopa Kuti Vashandi Vambunyikidzwe neMakambani Anogadzira Machira kuEswatini


Kunyangwe makambani ari kugadzira machira muEswatini ari kuita mari yakawanda, vashandi vanoti vari kutambura zvakanyanya nekuda kwehuori. Madzimai anoshanda mumakambani emachira aya akaita saNelisiwe Dlamini anoti mavari kushandira hamuna kukodzera kushandira.

Vanotiwo vari kushandiswa kwenguva yakareba asi vasingabhadharwe. Vashandi ava vanoti zvichemo zvavo hazvisi kugadziriswa nekuda kwehuori.

Vashandi vepakambani inogadzira machira yeNew Life Garments kuMatsapha Eswatini vakaratidzira mushure mekudzingwa basa. Mumwe akaratidzira ndiMuzvare Nelisiwe Dlamini avo vati, “Taneta nekubatwa neseri kweruoko.” Vaenderera mberi vachiti, “Tiri vanhu kwete michina. Tinofanira kubhadharwa zvakanaka uye tichiremekedzwa. Tinoshanda kwenguva refu asi tisingabhadharwe uye matinoshandira mune njodzi. Kana tichiende kuchimbuzi tinototsvaga mbvura nebhagedhi.

Pagore, makambani emachira anounza mari inodarika mamiriyoni maviri kuEswatini uye anotengeswa ku South Africa, United States, a United Kingdom nedzimwe nyika. Asi ikozvino zvave kubuda pachena kuti vashandi havasi kubatwa zvakanaka.

Muzvare Phindile Dlamini vashandira kambani yeFashion International kwemakore gumi nemapfumbamwe. Vanoti vane vana vatatu asi havana kuroorwa. Vanoti vanotambiriswa mari shoma uye vari kunonga svosve nemuromo. Vanoti, “Tamboyedza kutaura zvichemo zvedu panyaya yemari. Hapana zvazvabatsira.” Vatizve, “Tine matambudziko akawanda atiri kusangana nawo. Hatikwanise kuendesa vana vedu kuchikoro. Tinongoshandira kubhadhara mari kwatinoroja nekuuya kubasa.”

Pave nemakore akawanda vashandi vachiratidzira asi pasina chiri kubuda. Muna 2019, vashandi mumakambani ekugazira machira aya vakapedza mwedzi wose vachiratidzira kuti vawedzerwe mari uye kutambiriswa mari dziri nani. Muna 2021, pakaita kumwe kuratidzira kwevashandi ava vachiti vaisada kusarurwa nekumbunyikidzwa pabasa. Kuratidzira uku kuri kuratidza kuti vashandi vakazvipira kurwira kodzero dzavo.

MuEswatini, zviuru nezviuru zvebasa zvevashandi zviri kushanda kwenguva yakareba mumakambani asi zvichiripwa mutero wembwa. Vanorarama zvekushupikira uye muhurombo hunotyisa. Izvi zvinokunzerwa nekushaikwa kwemitemo yekuchengetedza kodzero dzevashandi nehuori. Asi vashandi ava havasi nherera. Kune mamwe masangano evashandi ave kumira semusambangwena kuvarwira.

Munyori mukuru wesangano reAmalgamated Trade Union of Swaziland (ATUSWA), VaWonder Mkhonza. Vanoti vari kumiririra vashandi zviuru makumi maviri nemaviri mumakambani emachira aya. VaMkonza vati, Tinoda kushanda tichiremekedzwa sevashandi.” Vatizve, “ Tinoda kuti mushandi wega wega kuti aremekedzerwe kodzero dzevanhu. Tiri kukurudzira kuti paitwe musangano pakati pevashandi, vashandirwi nebazi rezvevashandi. Ngatiumbe dare rekuti mushandi, mushandirwi nehurumende vataurirane kuti kodzero dzevashandi dziremekedzwe.”

VOA yakayedza kubata vekubazi rezvevashandi asi vakaramba kupindura mibvunzo yedu. Asi pane hapo komisheni yehurumende inobatsira kuyedza kuyananisa vashandi nevashandirwi inonzi Conciliation Mediation Arbitration Commission (CMAC) iri pasi pebazi rezvevashandi. Komisheni iyi inoti yave kuyedza kugadzirisa kunetsana kwevashandi nevashandirwi kuburikidza nemisangano yavanotaura nhuna dzavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa naNokukhaya Musi weVOA mukaiverengerwa neni Blessing Zulu weStudio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG