Accessibility links

Breaking News

Zvizvarwa zveAmerica Zvakabva kuAsia Zvinokwanisa kuVhota Ndizvo Zviri Kuwanda Kudarika Zvekune Dzimwe Nyika


Asian Americans
Asian Americans

Sangano rinoongorora mamiriro nepfungwa dzevanhu, rePEW Research Center, rinoti mumakwikwi esarudzo yemutungamiri wenyika weAmerica, pakati paVaJoe Biden naVaDonald Trump, muchange mune vavhoti vemu America vakabva kunharaunda yeAsia avo vawedzera huwandu hwavo munyika nemamiriyoni maviri kubva pavaiva makore mana apfuura.

Mutori wenhau weVOA, Scott Stearns, anotipa nyaya pamusoro pekuti vanogadzira mitemo vari kuwana sei mavhoti.

Zvizvarwa zveAmerica zvakabva kuAsia zvinokwanisa kuvhota zvinonzi nePEW Research Center ndizvo zviri kuwanda nekukasika muAmerica asi hazvina mafungiro akafanana mune zvematongerwo enyika.

Amai Christine Chen, mukuru wesangano risina divi rine kwarakarerekera, reAsia Pacific Islander American Vote, vanoti, “Zvizvarwa zveAmerica zvakabva ku India ne Japan zvizhinji zvinotsigira bato remaDemocrats, ukuwo zvizvarwa zveAmerica zvakabva kuVietnam zvichitsigira bato remaRepublican.'

Vatiwo, "Parizvino, zvizvarwa zveAmerica zvakabva kuChina zvave pakati nepakati, zvisina divi razvakarerekera, kana kuti “independent”. Amai Chen vanoti izvi zvinondiratidza kuti mapato emaDemocrat nemaRepablican haasi kutaura nevanhu ava zvakakwana mukutsvaka kwavo rutsigiro kubva kwavari, kuvaudza pamusoro pezvinangwa zvemaparo avo.

Amai Michele Steel, avo vakazvarirwa kuSouth Korea asi vakakurira kuJapan, ndivo vanomirira nzvimbo ye Orange County mudunhu re California, inova nzvimbo ine vavhoti vakabva kuVietnam vakawanda kupfuura dzimwe nzvimbo dzose muAmerica, vanoti: “Unotoenda munzvimbo idzi uchiedza kutaura nevanhu nenzira dzakasiyana siyana."

Vatiwo, "Ndine madhirezi mashanu anopfekwa nevanhu veku Vietnam andinopfeka pandinoenda munzvimbo yavanogara. Pandinoenda kunzvimbo yakawanda vanhu vakabva kuPhilipines, ndinopfeka ‘sari’. Izvi zvinokonzera kuti vakuone seumwe wavo.”

Amai Steel vanoti ivo nevatsigiri vavo, vakashanyira dzimba dzinopfuura zviuru zana nemakumi mapfumbamwe (190,000) pavaitsvaka rutsigiro makore maviri apfuura, vachiti, “Ndiyo nzira yekushanda nayo munzvimbo dzinogara vanhu verudzi urwu. Vaenderera mberi vachiti, "Munoziva chii, mudunhu mangu tinotaura mitauro minomwe yakasiyana, asi yese inoreva chinhu chimwechete.

Nzira yekutsvaga rutsigiro uchigugudza pamusuwo ndiyo nzira inoshanda muvanhu vane midzi yavo kuAsia. Musaradzo dzemuna 2020, zvikamu makumi manomwe kubva muzana (70%) zvakavhota zvichishandisa mavhoti ekutumira uye zvakakurumidza kuvhota zuva rekuvhota risati rasvika.

Amai Christine Chen vanoti, “Kana une magwaro ekuvhota uchishandisa Post Office, unokwanisa kugara pasi nemhuri yako, neshamwari dzako mugokurukura pamusoro pevanhu vari kukwikwidza, ukuwo uchiwana rubetsero rwekunzwisisa zvakadzama usingamanikidzwi, ugosarudza wega waunoda kuvhotera.”

Amai Grace Meng, vebato remaDemocrats uye vachimirira nzvimbo yeQueens, muguta re New York, vanoti kukosheswa nevebato remaRepublicans kunoitwa vavhoti verudzi rwechi Asian kunovashusha vachiti, “Kunyange ndichifunga kuti pave nekuwedzera kwemashandiro nekuti taona vebato reRepublican, vamwe vavo vari kukwikwidza, vachiita izvozvo zvekushandisa mitauro yakawanda mukutsvaga rutsigiro."

Amai Meng vatiwo, "Saka tanga tichiti kuvatungamiri vedu vebato reDemocratic Party nevari kukwikwidza. Honaiwo, hatingarambe takangomira. Rimwe divi riri kuenda nendima. Saka tinofanirwa kuve nechokwadi chekuti tiri kuitawo izvozvo zvekupinda muvanhu, kuitira kuti vanhu vazive kuti nderipi bato rinomirira zvido zvavo muchokwadi.”

Vanoona nezvemabasa panzvimbo yekutandarira, yeMinkwon Center for Community Action, Amai Sandra Choi, vanoti, “Gore negore tinoramba tichiedza kukurudzira vabvakure vekuRussia kuti vave nesimba mune zvematongerwo enyika, zvikuru musarudzo dza 2024. Ndiyo nguva yekubatanidza vanhu ava kuti vave nesimba mune zvematongerwo enyika, kuti vazive simba ravanaro mukuvaka ramangwana guru redu tose gore rino.”

Ongororo yesangano rePEW Research inoti vabvakure vekuAsia vari muAmerica mamirioni gumi nemashanu vane kodzero yekuvhota muna Mbudzi gore rino. Vanodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana vavo vanogara mumatunhu mashanu: eCalifornia, New York, Texas, Hawaii neNew Jersey.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yabva kuna Scott Stearns weVOA News, mukaiverengerwa na Tanonoka Whande we VOA Studio 7

Forum

XS
SM
MD
LG