Accessibility links

Breaking News

United Nations Yotsvagira Zimbabwe Rubatsiro rweUS$429 Million Yekurwisana neNzara


United Nations inoti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanoda rubatsiro muZimbabwe.
United Nations inoti vanhu vanodarika mamiriyoni matatu vanoda rubatsiro muZimbabwe.

Sangano reUnited Nations rakazivisa nemusi weChina kuti rakaparura chirongwa chekutsvaga rubatsiro rwemari inoita mamiriyoni mazana mana nemakumi maviri nemapfumbamwe emadhora, kana kuti US$429 million, yekubatsira Zimbabwe nechikafu.

Rubatsiro urwu rwunonzi rwuchange rwuchienda kuvanhu mamiriyoni matatu nezviuru zana, kana kuti 3.1 million, vari kunzi vari kuda rubatsiro rwechimbichimbi mumatunhu madiki makumi mana nematanhatu akanyanya kutarisana nenzara, uye rwunonzi rwuchange rwuchisanganisira kumutsiridzwa kwematanga emombe, chikafu, kupa mari kune vanotambura nekuvakwa kwezvibhorani zvinoshanda nemoto wezuva.

Sangano iri rakati rubatsiro urwu rwakanzi rwuchange rwuchibva muna Kubvumbi 2024 kusvika muna Kurume wegore rinouya.

Muna Kubvumbi, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakatara nzara yegore rino sedambudziko rinoda kubatwa zvechimbichimbi, vakati kuti dambudziko iri ripere nyika inoda mari inoita mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica.

Dzimwe nyika dzemuSADC dzinoti Zambia neMalawi dzakatarawo dambudziko renzara iri sedambudziko rrinoda kubatwa nechimbichimbi.

Forum

XS
SM
MD
LG