Accessibility links

Breaking News

Highlanders Yokweshana neFC Platinum muMutambo Ucharatidza Kana Mwaka Uno yakasimba zveKutora Mukombe


Chikwata che Highlanders FC chiri kubhebha moto.
Chikwata che Highlanders FC chiri kubhebha moto.

Simba reHighlanders rekuti inokwanisa here kutora mukombe weCastle Lager Premier Soccer League wemwaka uno kana kuti kwete richaedzwa neSvondo apo iri kushanyirwa neFC Platinum, iyo yakambotora mukombe uyu katatu kakateverana.

Mwaka wapera Highlanders yakatungamira makundano aya kusvika pakati pemwaka ndokuzopera mweya apo makundano aya akanga obaka moto.

Gore rino zvekare, chikwata ichi chiri kutungamira zvakare makundano aya nemapoinzi gumi nemamapfumbamwe chakaenzana neManica Diamonds, kwatamb-wa mitambo gumi.

Asi mutambo wacho neFC Platinum muBarbourfields Stadium neSvondo ndiwo mumwe wemitambo inoratidza kuti chikwata ichi chine simba here rekutora mukombe mukuru uyu kana kuti kwete.

FC Platinum ine nhoroondo yakasimba mumakundano aya mushure mekutora mukombe uyu katatu kakateverana uyezve iri pachinzvimbo chechipiri nemapoinzi gumi nemasere.

Asi mutsigiri weBosso, VaStewart Senderayi, vanoti vari kutora mapoinzi ese matatu pamutambo uyu.

"Takarova Dynamos. Tatove kupemberera kurova FC Platinum mangwana," vanodaro VaSenderayi.

Kunze kwemutambo weBosso nePlatinum, VePremier Soccer League varonga machikichori emitambo svondo rino, kutanga neMugovera.

Murairidzi weManica Diamonds, Jairos Tapera
Murairidzi weManica Diamonds, Jairos Tapera

Jairosi Tapera, murairidzi weManica Diamonds, uyo achangotambidzwa mukombe wemurairidzi akarura kudarika vamwe vese mwedzi waKubvumbi, ari pamusha muSakubva Stadium neBikita Minerals.

Mushure mekupedza vari pachinhanho chechipiri mwaka wapera, Tapera anoti vari kutarisira kukohwa pakuru mwaka uno.

" Kana kwavakwa chikwata chakadai, chinotarisirwa kukohwa pakuru pakupera kwemwaka. Nesuwo tirikutarisira kukohwa pakuru," anechivimbo Tapera.

Nemunyori mukuru wemaGem Boys, VaSugar Chagonda, vanoti gore rino vanofanira kuzadzikisa chido chevatsigiri vavo chekutora mukombe uyu.

"Kubvira tapinda muPSL muna 2018, vatsigiri taivimbida vatsigiri vedu zvakawandisa uyezve vachiri netarisiro," vanodaro VaChagonda.

Asi mumutambo watambwa kuRufaro Stadium muHarare Caps United yarova Yadah 1-0.

Mutambo uyu wanga uchifanirwa kutambirwa kuHeart Stadium mumusha weYadah asi chibvumirano chiripo nePSL ndechekuti Yadah haishandise nhandare iyi pamit-ambo neCaps United, Dynamos neHighlanders.

Mimwe mitambo yapera yakati Green Fuel 1 ZPC Kariba 0, Bulawayo Chiefs 0 Chicken Inn 0, Simba Bhora 2 Ngezi Platinum 1, Chicken Inn 0 Bulawayo Chiefs 0.

Mimwe mitambo iriko neSvondo yakamira seizvi; Hwange vs Arenel, TelOne vs Chegutu Pirates, neDynamos vs Herentals

Dynamos iri pachinzvimbo chegumi nembiri nemapoinzi gumi nerimwechete.

Mukuru wekumahofisi ePSL, VaKenny Ndebele, vazivisa kuti svondo rinouya kuchange kune mutambo mukuru weHarare Derby pakati peCaps United neDynamos muRufaro Stadium.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG