Accessibility links

Breaking News

RBZ Inoti Ichaburitsa Mari yeZiG20 Mangwana


Dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupumi dziri kuyambira Reserve bank of Zimbabwe kuti inogona kutokonzera kusagadzikana kwakanyanya munyaya yemari ikasadhinda mari inoenderena nemamiriro akaita hupfumi.

Izvi zviri kuuya panguva iyo gavhuna weRBZ Doctor John Mushayavanhu vazivisa bepanhau reSunday Mail kuti kutanga mangwana vanhu vanenge vokwanisa kutora madhora makumi maviri kana kuti ZiG20.

Dzimwe nzvimbo dzakawanda munyika dzinonzi hadzinakana mari yemaZiG iyi zvinonzi nedzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi zviri kuitirwa kuti zviite sekuti vanhu vari kuda kushandisa mari iyi zvakanyanya.

Hurumende iri kusungawo vemabhizimisi, vezvikoro nevanhuwo zvavo vari kunzi vari kutenga nekutengesa mari pamukoto kuyedza kusimbaradza mari iyi.

Chipangamazano cheRBZ VaPersistence Gwanyanya vauda Studio 7 kuti bhanga iri riri kuita zvarakavimbisa kuti richaburitsa maZiG 20 kusvika paZiG200 ichaburitswa nekufamba kwenguva.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda neUnderhill Corporate Solutions Doctor Eddie Mahembe vaudza Studio 7 kuti mitengo yezvinhu ikaramba ichiita chamurambamhuri panenge podiwa mari dzemadhora akati wandei.

Forum

XS
SM
MD
LG