Accessibility links

Breaking News

Mazita eZvizvarwa zveZimbabwe Zviviri Zvakafa Mushure Mekuondomoka kweMudhuri KuCape Town Aburitswa


South Africa Building Collapse
South Africa Building Collapse

Mashoko ari kubva kuSouth Africa anoti kusvika parizvino, pave nezvizvarwa zveZimbabwe zviviri zvinoti VaPeter Chitiga naVaObvious Ncube zvazivikanwa kuti zvakafa mushure mekuondomoka kwemudhuri wavaivaka mudhorobha reGeorge muCape Town svondo rapera.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvaungana nhasi muGeorge Community Hall zvichibata maoko hama dzevafi ava uye kutsvaga nzira dzekubatsira kuti mitumbi inoradzikwe kumusha.

Kanzuru yeGeorge inoti pamitumbi makumi matatu nemitatu yakawanikwa, yakwanisa kuzivikanwa nenyanzvi mitanhatu chete.

Pane vakafa nekukuvara pane zvizvarwa zvekuSouth Africa, Malawi neZimbabwe. Mumiriri weZimbabwe kuSouth Africa VaDavid Hamadziripi vaudza Studio 7 kuti vakagadzirira kubatsira hama dzevafi ava.

Mumwe mushandi wekanzuru ye Garden Route District Municipality mu George muCape Town Va Stenly Zambezi vanoti varikukurudzira mhuri yeZimbabwe iri munyika yeSouth Africa nyanya muCape Town kuti vabatanidze maoko vabatsire vakatarisana nedambudziko rekushaikirwa nehama dzavo.

“Shuwiro yedu ndeyekuti veruzhinji vari muSouth Africa kunyanya muguta redu reCape Town vaise musoro pamwechete kuti tiwunganidze mari yerubatsiro kumhuri dzakatarisana nedambudziko rekuendesa hama dzavo kumusha,” VaZambezi vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG