Accessibility links

Breaking News

Komisheni Inoona neZvesarudzo muSouth Africa Inoti Zanu-PF Haina Kukokwa Kuzoongorora Sarudzo


VaCyril Ramaphosa (SA) naVaEmmerson Mnangagwa (Zim)
VaCyril Ramaphosa (SA) naVaEmmerson Mnangagwa (Zim)

Komisheni inoona nezvesarudzo muSouth Africa yeIndependent Election Commission kana kuti IEC yazivisa nhasi kuti bato reZanu-PF harina kupihwa mvumo kana kukokwa kuzoongorora sarudzo dzemuSouth Africa dziri kuitwa musi wa 29 Chivabvu.

Izvi zvinotevera kukandirana makobvu nematete pakati pebato riri kutonga munyika iyi reANC nemapato anopikisa munyika iyi pakukokwa kweZanu-PF kuzoribatsira kutsvaga rutsigiro.

IEC yaburitsa mashoko kuvatori venhau mushure mekunyorerwa tsamba nemutungamiri webato rinopikisa reAfrican Transformation Movement VaVuyo Zungula vachiti kuda kukoka Zanu-PF kuzoongorora sarudzo kunodzisvibisa sezvo bato iri riine nhoroondo yekubirira sarudzo.

Munyori mukuru weZanu-PF VaObert Mpofu vakaudza bepanhau reHerald kuti vainge vakokwa neANC kunotsvaga rutsigiro vakati vanogona kuendako.

Asi mapato anopikisa munyika iyi ari kuti uku kuda kupindira mumatongerwo eimwe nyika kwemuwakidzani. Mutungamiri weSouth Africa neANC VaCyril Ramaphosa avo vari kutarisirwa kuti vachatatarika kukunda musarudzo vakati hapana chakaipa kukoka Zanu-PF.

Tayedza kubata mukuru muhofisi yezvekubuitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira asi vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vachiona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reSouthern Africa Liason Office VaMunjodzi Mutandiri vaudza Studio 7 kuti mudunhu reSADC, vakawanda havachina chivimbo neZanu-PF nekuda kwekubirira sarudzo.

Vanoti pakaenda veBotswana Electoral Commission kuZimbabwe, vanopikisa munyika vakashora vachiti hakuna zvitsvene zvavainonodzidziswa neZimbabwe Electoral Commission.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG