Accessibility links

Breaking News

Vamwe VeChidiki Vari Kurarama neHIV Votaura Nhunha Dzavo


Vamwe vechidiki vanorarama nechirwere cheHIV vanoti vanombosangana nematambudziko ekusarurwa nevanhu kunyangwe mazuva ano kwave nemishonga iri kupa kuti vatorarame kwemakore akangofanana nemunhu wose.

Gweta rechidiki VaKensington Marufu vava nemakore makumi matatu nemana vanoti vanombosanganawo nedambudziko revanoda kuvabata neseri kweruoko nekuda kwekurarama kwavo nechirwere cheHIV.

“Ini ndakaziva kuti ndainge ndava neHIV ndine makore 10 mugore ra2000.” Vatizve “Takaongoororwa semhuri, vabereki vangu nemukoma wangu tikabatwa tese tine HIV.”

Mumwewo wechidiki akazvarwa aine chirwere cheHIV, VaKunashe Mukwashi vanoti vanosangana nematambudziko makukutu mukurarama kwavo.

VaMukwashi vanoti vanombonyombwa asi izvi havasi kuzviisa muhana. Vat, “Zverusarura kuchirwere cheHIV zviriko.” Vatiwo, “Ndinotombopihwa mazita. Ndinenge ndichitonzi mukomana weAIDS uye vamwe vachinditi ndakarohwa nemuzvezve.”

Vanotiwo chakavaponesa mushure mekuziva kuti vainge vaine hutachiona hweHIV, kugara vari muzvikwata zvevanhu vanoraramawo nechirwere ichi umo mavanopanana tariro yehupenyu.

Musikana wechidiki ada kudaidzwa nezita rake rekutanga chete, anonzi Tino anotiwo akazvarwa aine hutachiona hweHIV. Asi anoti “Ndiri kutsvaga munhu wekufambidzana naye, anoroora,”

VaKensington Marufu vatiwo kazhiniji kubuda pachena ndiwo mushonga mukuru weHIV.

Mukuru wesangano reNational AIDS Council, Doctor Bernard Madzima vari kukurudzirawo vechidiki vari kurarama neHIV kuti kana vasati vapinda muwanano vanofanira kuitawo bonde vakazvidzivirira. Vati, ““Chakakosha zvakare kushandisa makondomu nokuti kunyange uri pamapritsi hazvireve kuti hauchabati zvimwe zvirwere zvepabonde,” vakadaro VaMadzima.

Mumwe mugari wekuChilonga, kuChiredzi, Muzvare Emelina Muphinduli avo vari kurarama neHIV, vanotenderana nemaonero aya vachiti zvinobatsira mukuderedza kupararira kwechirwere ichi.

Mutauriri mubazi rezvehutano VaDonald Mujiri vati, “Vechidiki vanorarama nechirwere cheHIV vanokwanisa kurarama hupenyu huzere nehutano zvakangoitawo sevamwe vanhu vasinawo chirwere,”

Nyanzvi munyaya dzezvehutano dzinoti vanhu vanokurumidza kuongororwa ropa ravo votanga kunwa mishonga yeHIV vanorarama kwenguva yakareba pane vanonoka. Mazuva ano kwave kugadzirwawo mishonga iri kunyatsoshanda kana munhu achitora mishonga nenguva uye kupota achiongororwa huwandu hwehutachiona huri muropa make kana kuti viral load. Kuongororwa uku kunoratidza kuti muviri uri kutambira zvakadii mushonga. Vamwe vanotosvika pakuti vanenge vasisatapurire vamwe chirwere.

Izvi zvasiyana nekare apo vanhu vaiita sekunge vatongerwa rufu pavainge vabatwa nedenda iri. Ongororo dzichiri kuitwa kuti ane chirwere ichi angararame kwenguva yakareba zvakadi, asi madzimai anorarama kwenguva yakareba kudarika varume.

Bazi rezvehutano rinoti muZimbabwe vanhu vari kurarama nechirwere cheHIV vanosvika miriyoni imwe chete nezviuru mazana matatu kana kuti 1,3 miliion.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG