Accessibility links

Breaking News

Kufa kweVana Makumi Matatu neVashanu Komanikidza Bazi rezveHutano Kutumira Chikwata cheKunobaya Vana Nhomba yeGwirikwiti kuHurungwe


Bazi rezvehutano rinoti richatumira chikwata chichaenda kunobaya vana nhomba kuHurungwe, Mashonaland West mushure mekufa kwevana makumi matatu nemashanu nechirwere chemahumunya negwirikwiti mwedzi wapera.

Asi mutauriri webazi iri VaDonald Mujiri vaudza Studio 7 kuti hapana zuva rati ratarwa kuti chikwata ichi chinosimuka riini. Gurukota rezvehutano Doctor Douglas Mombeshora vaudzawo Studio 7 kuti vange vari mumusangano.

Hurumende yainge yatumira chikwata kubva kubazi reCivil Protection Unit kunoongorora mamiriro akaita zvinhu munzvimbo iyi.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko Doctor Janfan Muswere ndivo vakazivisa nezvekutumirwa kwechikwata kuHurungwe.

World Health Organization iri kubatsira Zimbabwe nenhomba idzi iri kuyambira kuti pasi rose huwandu hwevana vachabatwa nechirwere chegwirikwiri huchawedzera nezvikamu zviuru makumi manomwe nemapfumbamwe kubva muzana kana kuti 79%.

Chipangamazano cheWHO munyaya dzechirwere chegwirikwiti Amai Natasha Crowcroft vanoti parizvino vana zvikamu makumi masere nematatu kana kuti 83% vabayiwa nhomba asi nekuda kwekuti chirwere ichi chinopararira zvakanyanya, zvinoda kuti vana zvikamu makumi mapfumbamwe nemashanu kubva muzana kana kuti 95% vanoda kuti vadonhedzerwe nhomba kuti chirwere chisapararire.

Chiremba Doctor Simbiso Ranga vati zvakakosha kuti vana vabayiwe nhomba iyi kuti chirwere chisaparire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG