Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vanoudza Musangano weUnited Nations Kuti Zimbabwe Iri Kutyora Kodzero dzeVanhu


Sachigaro weNational Democratic Working Group kana kuti NDWG VaJob Sikhala vakataura nezuro pamusangano weUnited Nations uri kuzeya nyaya dzekodzero dzevanhu kana kuti UN 16th Geneva Summit for Human Rights and Democracy.

Vachitaura pamusangano uyu, VaSikhala vati muZimbabwe maberekera ingwe kune vanopikisa. Vakataurawo nezvekusungwa kwavakaitwa apo segweta vaimirira Muzvare MoreBlessing Ali avo vakapondwa nenhengo yeZanu-PF VaPius Jamba.

VaSikhala vakati vakagariswa mujeri kwemakore anotoda kusvika maviri vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso. Vatiwo mitemo yakaita seunonzi nemadunhurirwa “Patriotic Act” uye “Private Voluntary Organizations Bill iontyora kodzero dzevanhu.

VaSikhala vatiwo muZimbabwe kuratidzira inova kodzero iri mubumbiro remitemo hakuchabvumidzwe nehurumende.

Vati masangano akaita seAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe kana kuti ARTUZ neZimbabwe National Students Union. Vakataurawo nenyaya yekupambwa nekuitwa kafiramberi kwevanopikisa.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanogara vachiramba kuti mutemo unotarisa kuti wabuda mumba maani. Hatina kukwanisa kuvabata kuti tinzwe divi ravo pamashoko aVaSikhala.

Asi vachinyora padandemutande ravo reX, vasingadome VaSikhala nezita, munyori mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vakanyora kuti pane akaenda kuGeneva akataura mashoko emanyepo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG