Accessibility links

Breaking News

Dambudziko Rekushandiswa kweZvinodhaka Roramba Richiwedzera


Mutungamiri wesangano reZimbabwe Civil Liberties and Drug Network VaWilson Box vanoti hurumende inofanira kutora dambudziko rekushandisa zvinodhaka sehurwere. Vati kuita izvi kunoita kuti vanhu ava vakwanise kubatsirwa.

VaBox vanoti hurumende inofanirwa zvakare kugadzira nzvimbo dzinopa rubatsiro kuneavo vari kushandisa zvinodhaka kana kuti “rehabilitation centers” munzvimbo dzakasiyana siyana dzisinga bhadharwe mari yakawanda sezvo dziripo pari zvino dziri kudhura.

VaBox vanoti parizvino mapurisa ari kuyedza kusunga vanotengesa zvinodhaka asi chirongwa ichi chinoda kusimbaradzwa.

"Tinokuridzira hurumende kuti idzike mitemo ino batsira vanoshandisa zvinodhaka kuitira kuti vawane rubatsiro rwavanoda,"VaBox vaudza Studio7.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG