Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kukasika Kutora Matanho eKuderedza Nzara muZvikoro


Hurumende iri kukurudzirwa kukasika kuwanisa zvikoro chikafu chekupa vana.
Hurumende iri kukurudzirwa kukasika kuwanisa zvikoro chikafu chekupa vana.

Zvichitevera mashoko ehurumende akabuda nezuro akeuti pane vana vanosvika kumamiriyoni mana nezviuru mazana mashanu, 4.5 million, vari kuda rubatsiro rwechikafu muzvikoro nekukasika, masangano evarairidzi anoti reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, ARTUZ, neZimbabwe Teachers Association, ZIMTA, anoti rubatsiro urwu rwatononoka sezvo zvinhu zvisisina kumira zvakanaka muzvikoro.

Munyori mukuru weARTUZ, VaRobson Chere, vanoti sangano ravo riri kuita chirongwa chekukurudzira hurumende kuti ikasike kuwanisa zvikoro chikafu kuitira kudzivirira dambudziko rekudonha kwevana kunonzi kuri kukonzerwa nenzara.

VaChere vanoti sangano ravo riri kukurudzira hurumende kuti isangope zvikoro chibage chete chisina usvai, vachiti izvi zvinozoisa mutoro wekutsvaga usavi kuvabereki, avo vari kutotambudzwawo nenzara iyi.

Vanoti muzuva rimwe chete, vana vanosvika gumi vakadonha nekuda kwenzara pachikoro chimwechete kuKuwadzana nekuda kwenzara.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, vakaudza dare remakurukota neChipiri kuti ongororo yakaitwa neZimbabwe Livelihoods Assessment Committee (ZimLAC), inoratidza kuti vanhu miriyoni imwechete nezviuru mazana manomwe, 1.7 million vari mumaguta nemadhorobha vanodarubatsiro rwechikafu.

Vamwe mamiriyoni manomwe nezviuru mazana manomwe, kana kuti 7.7 million vanonzi vanoda rubatsiro rwechikafu nyika yose.

Gwaro iri rinoti huwandu uhwu hahusanganisire vana mamiriyoni mana nezviuru mazana mashanu vanoda chikafu muzvikoro.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakatozivisa kare kuti nyika inoda mari inoita mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica ekuti ikwanise kurwisana nenzara.

Asi bepanhau re News Day rinoti mari yave kudiwa nenyika yakwira kubva pamabhiriyoni maviri kuenda pamabhiriyoni matatu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG