Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCholera Chatanga Kupararia Zvakare muNyika


Cirwere che cholera chakambonetsa zvakanyanya mumusha weGlen View muHarare.
Cirwere che cholera chakambonetsa zvakanyanya mumusha weGlen View muHarare.

Bazi rezvehutano razivisa kuti chirwere checholera chatanga zvekare kudzimwe nzvimbo dzinosanganisira Mashonaland West, Manicaland neChitungwiza kunyangwe vari kubatwa nechirwere ichi vachiri vashoma.

Mumashoko padandemutande re “X” bazi iri rati pane vanhu makumi maviri kana kuti 20 vakabatwa nechirwere ichi kuMashonaland West svondo rapera.

Asi razivisa zvekare kuti vanhu vanopfura zviuru zvishanu kana kuti 5000 vabatwa nechirwere chemanyoka, vamwe chiuru nemazana mashanu nemakumi mashanu kana kuti 1 550 vakabatwa nechirwere cheMalaria.

Chirwere cheCholera chakatanga muna kukadzi gore rapera kuChegutu, Mashonaland West uye chabata vanhu vanodarika zviuru makumi matatu nemana kana kuti 34 000, chikauraya vanhu vanopfura mazana matanhatu kana kuti 600.

Chiremba, vaTafadzwa Munzwa vaudza Studio7 kuti kushaikwa kwemvura kurikukonzera kupararira kwechirwere ichi.

Forum

XS
SM
MD
LG