Musangano mukuru wekutenga nekutengeserana Fodya weWorld Tobacco Africa Conference uri kuendera mberi muHarare nhasi. Musangano uyu wakatanga nezuro uye aka ndekekutanga uchiitwa.
Chinangwa chemusangano uyu ndechekusimudzira kurimwa kweFodya yemhando yepamusoro. Asi izvi zviri kuuya sangano reWorld Health Organization riri kuyambira kuti fodya iri kukanganisa zvikuru hutano hwevanhu.
WHO inotiwo fodya inouraya vanhu vanosvika mamiriyoni masere pasi rose kana kuti 8 million, zvikuru munyika dzichiri kubudirira nedziri pakati nepakati se Zimbabwe.
Mukuru wesangano re 4 H foundation, VaJohn Muchenje avo vakambohwina mibayiro yakawanda yekurima fodya uye vanodzidzisawo varimi vechidiki nzira dzekurima nadzo dzakanaka vanoti chirongwa ichi chirongwa chakanka uye chinobatsira varimi kuti vavhurike pfungwa.
VaMuchenje vabvuma kuti fodya inogona kukanganisa hutano vachiti kurudziro yavo ndeyekuti vanhu vasashandisa fodya isina kugadzirwa ne kuongororwa kuti vasa batwe nezvirwere zvinozovakanganisa.
Vatiwo vanokurudzira varimi vefodya kuti vadyare miti mumapurazi avo kuitira kuti pavanotema miti yekupisisa fodya vange vachidyarawo mimwqe kuitira ramangwana.
Forum