Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa Kutenga Chikafu neMari Inobva muZviwanikwa zveNyika


Vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vanonzi vanoda chikafu.
Vanhu vanodarika mamiriyoni manomwe vanonzi vanoda chikafu.

Kunyange hazvo hurumende yave kubuda pachena ichitaura huwandu hwevanhu vakatarisana nenzaramunyika, avo inoti vanodarika mamiriyoni manomwe, kana kuti zvikamu makumi mashanu nechimwe kubva muzana, vamwe vanoti yakanonoka kubuda pachena uye yainyepera vanhu kuti nyika ine chikafu chinoikwanira.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakazotara nzara iyi sedambudziko renyika yose vakakumbira rubatsiro rwemari inosvika mabhiriyoni maviri emadhora ekuAmerica.

Asi bepanhau reNews Day rakazivisa neChitatu kuti mari yave kudiwa nenyika kurwisa nzara yave mumabhiriyoni matatu emadhora ekuAmerica.

Mumiriri weChipinge South, VaClifford Hlatywayo.
Mumiriri weChipinge South, VaClifford Hlatywayo.

Mumiriri weChipinge South muparamende vari nhengo yebato rinopikisa reCCC, VaClifford Hlatywayo, Hurumende yakapedza nguva ichibata vanhu kumeso ichiti matura ayo azere kusvika zvazoonekwa kuti matura aya aive azere mhepo.

VaHlatywayo vanoti kunze kwekumirira kupemha, hurumende inofanirwa kushandisa mari dziri kubva muzviwanikwa zvenyika zvavanoti zvakawandisa zvikuru kuti ione kuti mhuri yayo haisi kuziya nenzara.

Vanoti vari kutyirawo kuti rubatsiro rwechikafu rwuchawanikwa kubva kumasangano anobatsira rwuchapedzisira rwave kushandiswa sechombo chekurwisa nacho vanopikisa hurumende pachitariswa kuti munhu abuda mumba maani.

Gore rino vakawanda vari kutarisira kubatsirwa nechikafu.
Gore rino vakawanda vari kutarisira kubatsirwa nechikafu.

Asi vanoongororra zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakavimbisa kuti hapana munhu achafa nenzara, nekudaro hurumende ichaona kuti yazadzisa chivimbiso ichi.

VaMandaza vanobvuma kuti nyika ine zviwanikwa zvakawanda zvinokwanisa kubatsira kurerutsa nzara, hurumende yakatotanga kare kushandisa zviwanikwa izvi mukuona kuti vanhu vawana chikafu.

VaMandaza vanotiwo hurumende haitenderi kuti vanhu vapiwe chikafu vachisarurwa kuti vabuda mumba maani, nekudaro veruzhinji vanofanirwa kumhan’garira ani nani zvake achaita zvehuwori kana rusarura pakugoverwa kwechikafu.

VaHlatywayo vanoti vanotsigira zviri kutaurwa naVaMandaza vachiti kana kuparamende vakatokurudzirwa kumhan’garira vose vachaita zvehuwori kana kushandisa zvematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG