Accessibility links

Breaking News

Ishe Magudu Avo Vasingaone Vorumbidzwa neHutungamiri Hwavo kuMasvingo


Vamwe vakaremara munzvimbo yekwa Nyikavanhu, kuMasvingo South vanoti vari kufara zvikuru nemabasa ari kuitwa naIshe Chimbanani Magudu.

Ishe Magudu vakaberekwa vachinzi VaPastor Cover Mugwadi, vane makore makumi mana nemashanu uye vakagadzwa kuMasvingo vakakagadzwa gore rapera. Kunyangwe vachiti pane vamwe vemhuri yavo vasingadi kutungamirwa navo nekuda kwehurema hwavo, vanoti izvi hazvisi kuvadzosera kumashure.

Mambo ava vari kunzi vari kuita zvirongwa zvekurwira kodzero dzevakaremara, nherera neshirikadzi kuti vawane raramo yakanaka.

Ishe Magudu vanoti vanofara kuti vanhu vavo vari kufadzwa nemabasa avo vasingatarisi kuti vakaremara, sezvo vakatanga hurongwa hweZunde raMambo mutsva wekuti musha wega wega vanhu vaise parutivi mugomo mumwe chete kuna Sabhuku pakukohwa ugopuwa vakaremara, nherera pamwe neshirikadzi vasingagoni kuzviriritira voga.

Vanotiwo vakaisa chirongwa chekuti musha wega wega uvake zvimbuzi zvinopindika nevanhu vakaremara.

Vanotiwo vakaudza masabhuku avo pamwe nemakanzuru kuti panogovewa chikafu munguva ino yenzara vatange kunyora mazita evakaremara, shirikadzi nenherera senzira yekuti vasasiiwe sezvaimboitika kare.

Vanhu vakawanda vakaita saAmai Cecelia Mungezi vemuraini rekwaMusvovi kwaNyika vanoti vanhu vanotambira zvirongwa zviri kuitwa naIshe Magudu.

Apowo vamwe vakaremra munzvimbo iyi vakaita saVaCrispen Mutero, vanova mutevedzeri wemukuru wechikoro paNyikavanhu High, uye vasingaoni vanoti umwe wavo ari kuvasimudzira munharuunda yavo.

Vanomirira masangano evakaremara musanngano reMasvingo Disability Network, VaPrazeni Jakata, vakukurudzira nhengo dzavo kuti dzipinde muzvigaro zvehutungamiriri kuti dzikwanise kurwirawo kodzero dzavo sezviri kuita Ishe Magudu,

Zvinhu zvakaoma kuti vasingaone vakwanise kutora zvigaro zvepamusoro muZimbabwe nenyika dzepasi rino. Asi Ishe Magudu naVaSamuel Deme vakasarudzwa kuvamutongi wedare repamusoro wekutanga asingaone vari kuratidza kuti zvinokwanisika kutungamira kunyangwe munhu akaremara.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG