Accessibility links

Breaking News

Sangano reVezvitoro Rinonyorera kuHurumende Richiratidza Kusafara neMutemo weSI 180A wa2024


Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu.
Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu.

Mutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaDenford Mutashu, vanoti sangano ravo rakanyorera kumapazi ehurumende anoti rezvehupfumi, neremaindasitiri pamwe neReserve bank of Zimbabwe vachinyunyuta nekudzikwa kwemutemo weStatutory Instrument 81A wa2024.

Mutemo uyu unomanikidza vezvitoro kuti vashandise mutengo wemari yekuAmerica unenge watarwa neReserve Bank of Zimbabwe wezuvaro uye wakabvisa mukana waipiwa vezvitoro wekuti vawedzere mitengo yezvinhu zvavo nezvikamu gumi kubva muzana.

Asi vezvitoro vanonzi vari kuti havazowana porofiti yekuti vazokwanisa zvakare kutsvaga imwe mari yekunze yekuti vazokwanisa kuhodha zvakare kuitira kuti varambe vari mubhizinesi.

VaMutashu vanoti vakatora danho iri nekuona kuti dzimwe nhengo dzavo dzave kuomerwa zvekuti vamwe vavo vakatozvisa kuti vave kutofunga zvekuvhara zvitoro zvavo vopindawo mukutengesa zvisiri pamutemo kuti vararame.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende kanawo reR-B-Z panyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG