Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tiri kutarisa zviri kuitwa naVaGarikayi Masamba, avo vari kuBrisbane kuAustralia, uko vari kushandira hurumende yeQueensland semukoti wehutano hwepfungwa.
Vasati vabuda muZimbabwe, VaMasamba vakamboshandawo semudzidzisi wemuzvikoro zvepamusorosoro, kana kuti lecturer, vakazoenda kuBritain uko vakagara nekushanda kwemakore akawanda vasati vaenda kuAustralia.
Kumusha, VaMasamba vanobva kuMagunje kuHurungwe mudunhu reMashonaland West, uko vari kuita zvirongwa zvebudiriro zvakawanda.
"Tine ma project akasiyanasiyana. Tine project yema boer goats, tiri kuita huku dzema roadrunner, uyezve tiri kuita project yenguruve as well. Kozoti tine ma wholesale, hardware, zvigayo. Tine ma restaurants kuHurungwe kwakare.
"Kwozotiwo kwanaMutare uko tine zvakaita sema lodge. Tiri kuita zve real estate. Kozongoitawo kuHarare ikoko kune shopping complex iri kuvakwa. Asi ma project akati wandeyi zvawo. Ane chitsama. Tave nenguva tichingoshingirira," vanodaro VaMasamba.
Saka vari kuzvikwanisa sei ivo vari kunze kwenyika paine vakawanda vanotya kutanga mabhizimusi vachiti vanozodyirwa mari dzavo nehama neshamwari kumusha?
VaMasamba vanoti, "Ichocho hacho chingangove chokwadi, asi inini hangu chandakadzidza ndechekuti ukange waisa mari yako, wafunga kuti ndakuita business, haikona kuti ukangopa vanhu mari wongoti tengai mbudzi kana kuti isai mari mu grocery shop kana kuti project yaunenge uchingoita usingazvitarise."
Vanoti dambudziko ravakangosangana naro chete nderekuti kumusha hakuna mikana yekukwereteswa dzimari nemabhanga, zvichireva kuti vakatomanikidzwa kushandisa mari dzavo dzemuhomwe kuti vatange mabhizimusi ose aya.
VaMasamba vanoti vakafunga kunotanga mabhzimusi ose aya kumusha nekuti ndiko kwavakakurira saka naizvozvo havaoni chinhu chingatadzisa vana veZimbabwe kuita zvirongwa zvebudiriro kumamisha kwavo kwavanobva, kwavakazvarirwa.
Forum