Accessibility links

Breaking News

Vamwe Vaimbi Vanoti Havakwanise Kuimba Vakasununguka muNyika Asi Hurumende Ichiti Munhu Wese Akasununguka


Muimbi Thomas Mapfumo ndemumwe anoti munyika hamuna rusununguko asi hurumende inoti kodzero dzevanhu dziri kuremekedzwa
Muimbi Thomas Mapfumo ndemumwe anoti munyika hamuna rusununguko asi hurumende inoti kodzero dzevanhu dziri kuremekedzwa

Vamwe vaimbi vari munyika, vari kunze pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika vanoti pachine rwendo rwurefu kuti vaimbi vasvike pakuimba nezvematambudziko ari kutarisana nenyika vakasununguka, vachiti kuita izvi kuchiri kuonekwa sekushoropodza hurumende.

Asi hurumende inoti matambudziko aya akagadziriswa ichiti hapana muimbi ari kumbunyikidzwa sezvo kodzero dzevanhu dzakachengetedzwa pasi pehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.

Kubva nyika yawana kuzvitonga kuzere, vaimbi vakawanda vaisimukira nekuda kwekuti vaiimba nziyo dzinokudza nekupembedza hurumende kana chete dzisingaonekwi sedzine chekuita nezvematongerwo enyika.

Asi vaimbi vakaita saThomas Mapfumo vakazosiya zvekupembedza hurumende vachitanga kutsiura nekunongedza pavaiwona separi kupotswa nehurumende uye kuimba nziyo dzinobata nyaya dzemagariro everuzhinji.

Izvi zvakaita kuti mimhanzi yaMapfumo isaridzwe panhefenyuro dzehurumende munyika, uye kuti ashungurudzwe zvekusvika pakuzotiza munyika achienda kuAmerica uko ari kusvika nhasi.

Mapfumo anoti vaimbi muZimbabwe vachiri kumbunyikidzirwa kodzero dzavo uye manyepo kuti hurumende iripo inokoshesa kodzero dzevanhu.

"Tiri kutaureyi kana tichitaura nezvenyaya yerusununguko muZimbabwe? Nyika haina kusununguka. Vangataura zvavanoda vachiti vari kugona asi Ian Smith aitove nani nekuti aigadzira nyika," anodaro Mapfumo.

Pavaimbi vanhasi, muimbi wemusambo weDancehall, Winky D, anonzi ndemumwe wevaimbi vari kuonekwa sevanofumura hurumende kuburikidza nenziyo dzake idzo dzinonzi nevamwe dziri kuburitsa pachena mamiriro akaita zvinhu munyika.

Nekuda kweizvi, nziyo dzake dzinonzi hadzicharidzwawo panhepfenyuro dzehurumende.

Hosiah Chipanga, uyo anonziwo nevamwe anoimba nziyo dzinoburitsa pachena kutambura nemararamiro everuzhinji, vamwe vachiti anoimba zvematongerwo enyika, ndemumwe muimbi anoti anobatwa nekunze kweruoko uye mimhanzi yake haicharidzwewo panhepfenyuro dzehurumende.

Ukuwo, mumwewo muimbi wemusambo wembira, Jane Marimo, anoti nyika yeZimbabwe yakasununguka, nekudaro vaimbi havafanirwe kutya kuimba zvinobata upenyu hwevanhu.

"Tiri kukurudzira kuti kuvaimbi vose varikuimba ngationei kuti zvatiri kuimba zvinotaura zvinosangana nevanhu uye kuti hurumende izive zvinoda vanhu," muimbi Marimo anopa pfungwa dzake.

Muimbi Jeys Marabini.
Muimbi Jeys Marabini.

Muimbi anoimba ari muguta reBulawayo, Jeys Marabhini, anotiwo zvakakosha zvikuru kuti vaimbi vemunyika vasununguke kushandisa mimhanzi yavo kusimudzira tsika nemagariro pamwe nebudiriro pasina kutya.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vari mukuru weZimbabwe Human Rights Association, kana kuti ZimRights, VaDzikamayi Bere, vanoti zvinorwadza zvikuru kuti vaimbi vemuZimbabwe vachiri kumbunyikidzirwa kodzero dzavo makore makumi mana nemana nyika yawana kuzvitonga kuzere, vachiti Zimbabwe inofanirwa kuremekedza bumbiro remutemo.

"Ikoko kutotyora bumbiro remutemo kunyanya mutemo unobvumidza vatambi kuti vaite hudobidobi hwavo vakasununguka. Isu vanorwira kodzero dzevanhu tinokurudzira hurumende kuti itsigire vaimbi kuti vasununguke" VaBere vanopa divi ravo.

Asi hurumende inoti Zimbabwe inokoshesa kodzero dzevanhu uye mashoko ekuti vaimbi vanoshora mabasa akaipa ainobata vachiri kumbunyikidzwa haasi echokwadi. Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere, vanoti hurumende yavo yakaita basa guru kuona kuti kodzero dzevanhu dzakachengetedzwa uye mitemo yakawanda yakatovandudzwa.

"Hurumende pasi pehutungamiri hwaVaMnangagwa yakaita basa guru mukuona kuti munhu wese awana mukana wekutaura akasununguka kuburikidza nekuvandudza pamwe nekubvisa imwe mitemo inokanganisa mashandire evanhu," gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaJenfan Muswere vanopa divi rehurumende.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere.
Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakarerekera kubato reZANU PF uye vachishanda nesangano reAfrican Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti chakakosha ndechekuti vaimbi varemekedze nhoroondo yenzira yakafambwa nevana veZimbabwe mukusunungura nyika.

Nhengo dzebato reZANU PF dzinopomerwa mhosva yekuve pamberi mukumbunyikidza nekushungurudza vaimbi vanoonekwa sevanoshora hurumende.

Asi mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko mubato iri, VaFarai Marapira, vanozviramba vachiti manyepo anoitwa nevanoda kushora bato ravo nehurumende iripo.

VaMarapira vanoti bato ravo rinoremekedza bumbiro remutemo.

"Isu hatina muimbi watakamboshungurudza seZANU PF kubva kuvaimbi vakaita savana VaMapfumo nanaLeonard Zhakata vainzi kuimba kwavo kunotsoropodza hurumende, hakuna akambosungirwa nhau yekuti une nziyo yaakaimba," VaMarapira vanotsanangura.

Vakafanobata chigaro chemukuru weNational Arts Council, Amai Babra Gotore, vanoti sangano ravo rinokoshesa zvido zvevaimbi, vachiti vanoshanda nehurumende kuti chikamu ichi chisimukire.

Gore rapera mapurisa akashoropodzwa nevakawanda vanosanganisira sangano reHuman Rights Watch nekukanganisa kwaanonzi akaita showo yaWinky D achinzi akadzura tambo dzemagetsi senzira yekumisa muimbi uyu kuridza.

Asi mapurisa akati haana kudzura tambo dzemagetsi, asi kuti akangoudza muimbi kuti amire kuridza sezvo nguva dzakange dzapera.

Vamwe vaimbi, nekutsvaga kurarama kwakapfava kusina kumbunyikidzwa kwekodzero dzavo pamwe nekutyisidzirwa nevanofungidzirwa kuti vasori kana vechidiki veZanu PF, vanonzi vave kusarudza kumira nehurumende kana nebato riri kutonga reZanu PF.

Sangano re UNESCO rinoti Chikamu 61 chebubiro remitemo yenyika chinopa kodzero kuvana veZimbabwe kusanganisira vaimbi kuti vataure zvavanoona kana kuda kuburikidza nemimhanzi kana kudetemba. Pamusoro pezvo, Zimbabwe inocherechedzawo mitemo yakawanda yepasi rose inobata kodzero dzevaimbi.

Asi sangano reAmnesty International rinoti kodzero dzevanhu dzekuti vataure vakasununguka dzichiri kumbunyikidzwa muZimbabwe.

Sangano iri rakadoma mutemo we Criminal Law (Codification and Reform) Amendment Act, uyo wakasainwa nemutungamiri wenyika muna 2022 sechimwe chimhingaidzo chiri kushandiswa nehurumende mukutyora kodzero dzevanhu, kusanganisira vaimbi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG