Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Iri Kubatana neDzimwe Nyika Kucherechedza Chirwere chePfungwa muMwedzi Uno


Zimbabwe iri kubatana nedzimwe nyika mukucherechedza mwedzi uno waChivabvu kuyeuchidza nezvezvirwere zvepfungwa kana kuti Mental Health Month. Chinagwa chemasangano anoshanda nevanorwara nepfungwa ndechekuti vanhu vanzwisise nezvedenda iri kuti vasasarure vanorwara nacho uye kuwana nzira dzekubatsira varwere vacho.

Vachitaura neStudio 7, mazvikokota muanyaya dzezvirwere zvepfungwa mubazi rezvehutano, Dr Anesu Isabel Chinoperekwei vati vanhu vakava nehutano hwepfungwa zvinosimudzirawo nyika.

Dr Chinoperekwei vati kuchengetedza hutano hwepfungwa, vanhu vanofanira kuwana zororo rakakwana, kusanyanya kudzamisa pfungwa pamwe nekudya kunovaka muviri. Vatiwo kukanganisika muhutano hwepfungwa kunogona kukonzerawo kuti munhu ade kuzviuraya.

Vati, “Zvimwe zvacho zvinogona kuuya kuburikudza nekuona munhu achipererwa, achiona sekuti hupenyu hauna zvahuchamurevera mukurarama zvinova zvinosvitsa pakuti munhu anzwe kuda kuzvisungirira.”

Imwe nyanzvi munezvehutano hwepfungwa Dr Nemache Mawere vati vanhu vakaona munhu orasika mukufunga, mukutaura nemukuita zvimwe zviratidzo zvechirwere chepfungwa. Dr Mawere vati, “ Ukatanga kuona mamiriro emunhu zvekuti munhu pazera rake anofanirwa kuva akapfeka kana huso hwake umwe anogona kuratidza kuchema, mumwe achingoseka, mumwe anenge asina kupfeka zvakanaka, mumwe anenge aine tsvina tozoona matauriro emunhu. Munhu anenge achitaura zvisingaenderani nezvirikutaurwa kana kuti off topic, zvinenge zviri zviratidzo zvekuti pfungwa dzakanganisika.”

Nyanzvi munya dzezvehutano Amai Mucha Mukamuri vaudza Studio 7 kuti pane zvakawanda zvinogona kukanganisa hutano hwepfungwa kusanganisirawo mamiriro akaita zvinhu munyika kunyanya munyaya dzezvehupfumi. Amai Mukamuri vati, “Mwaka hauna kuita zvakanaka, vanhu havana kukohwa saka mukati medzimhuri hamuna zvekudya zvakakwana. Izvi zvinogona kuwedzerawo kuti hutano hwepfungwa huderere. Uyewo mumabasa vazhinji havana mabasa, nyangwe mari inotambirwa yacho ishomesa zvinoita kuti vanhu vasazogara vakadekara vaine mufaro.”

Amai Mukamuri vati kushungurudzika mupfungwa kunopawo kuti vamwe vade kushandisa zvinodhaka izvo zvinotowedzera dambudziko iri. Vati, “Mozoona vana vadiki vamwe voenda kumadrugs nekuti chavanoswera vachiita hapana. Chavanoswera vachiita hapana, anongoswera momba, obuda kuenda pamabridge osangana nevamwe vopedzisira voputa zvinodhaka nekuti havana chavari kuita.”

Amai Mukamuri vati senzira yekuchengetedza hutano hwepfungwa veruzhinji vanofanirwa kugamuchira matambudziko avanosangana nawo muhupenyu votsvaga runbatsiro kubva kunyanzvi. Imwe nyanzvi munezvehutano hwepfungwa.

VaMertha Mo Nyamande vati zvimwe zviratidzo zvekusagadzikana kwehutano hwepfungwa zvinosanganisira kushaya hope uye kugara munhu aine kutya kwakanyanya.

Nyanzvi dzinoti dambudziko rezvirwere zvepfungwa riri kuramba richikomba munyika. Mukutanga kwemwedzi uno, mutongi wedare repamusoro Amai Philda Muzofa vakati hurumende yave kufanira kutora matanho ekubatsira vane zvirwere zvepfungwa sezvo vakawanda vavo vange vopara mhosva dzakawanda uye vave kuzadza nzvimbo dzonochengeterwa vane zvirwere izvi mumajeri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG