Accessibility links

Breaking News

VaBiden naVaTrump Vanobvumirana Mazuva eKuita Gakava


VaJoe Biden na VaDonald Trump
VaJoe Biden na VaDonald Trump

Mutungamiri wenyika yeAmerica, VaJoe Biden, vebato remaDemocrats nevavari kukwikwidzana navo uye vaimbova mutungamiri wenyika VaDonald Trump vawirirana kuti vaite magakava maviri sarudzo dzisati dzaitwa muna Mbudzi.

Asi pari kuyedza kutsvagwa nzira dzekuti magakava aya aitwe pasina kukandirana makobvu nematate, sezvakamboitika muna 2020 apo vaviri ava vaikwikwidzana. Asi kuti magakava aya achabatsira here kukwezva vavhoti pachitariswa nguva yaari kutarisirwa kuitwa? Svondo rapera, musi wa 15 Chivabvu, VaBiden vakapa mhinduro yavo vakati, “Donald Trump ndakamukunda mumagakava maviri atakaita muna 2020 kubva nguva iyi haana kuda kuzopinda mumagakava. Ikozvino ave kuda kuita kunge anoda kuita gakava neni. Aiwa, kana zvakadaro ngatiite gakava mumwe wangu, ndakagadzirira.”

Pane magakava maviri ari kutarisirwa kuitwa musi wa 27 Chikumi na 10 Gunyana gore rino. VaTrump vakataura pavaitsvaga rutsigiro kuMinnesota kuti vakagadzirira. “Ndinoda kuita gakava nemurume uyu, ndichatiwo patange paongororwa kuti hapana ashandisa zvinodhaka here.” Vanotiwo, “Handidi kuti auye akaita zvaakaita paakatura mashoko kunyika kana kuti State of the Union, airatidza kuti ainge ashandisa zvinodhaka zvaimupa simba.”

Seneta Chris Van Hollen, vebato remaDemocrats, vakaratidza kusagudzikana nemaitiro emagakava anoitwa naVaTrump. VaVan Hollen vanoti, “Trump anoda kuita kunge zvinhu zvedambe, asi vanhu vanoziva havo wekuvhotera.” Vaenderera mberi vachiti, “Zviri pachena kuti vanovhotera VaBiden. VaBiden vakakurira muScranton, Pennsylvania, munhu airwira kodzero dzevarombo. Munhu anoremekedza basa . Asi VaTrump vanoda zvekukonzera mhirizhonga.”

Chipangamazano chaVaTrump, VaMarc Lotter, vakaudza nhepfenyuro yeABC kuti kuisa vaviri ava mudariro zvinhu zvakakosha, vachiti, “Hapana pachanakidza tichiona VaTrump vachiita zvidavado nekuti munhu ajaira kutaura kwenguva yakareba dzimwe nguva kweawa imwe chete nechidimbu.” VaLotter vatiwo, “VaJoe Biden kashoma kunyatsobvunzurudzwa nevatori venhau. VaBiden vachatatarika.”

Magakava aya achaitwa pasina vanhu kana kuti vatsigiri. Vatori venhau kubva kuCNN neABC News vanenge vachibvunzurudza vaviri ava uye vanokwanisa kudzima zvekutaurisa kana kuti mamacrophone avo kana vave kukanganisana pakutaura. Chinangwa chemagakava ndechekubatsira vanhu kuti vasarudze wavanoda kuvhotera muna Mbudzi musarudzo yemutungamiri wenyika sematauriro enyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvinafundo June Speakman, vepa Roger Williams University. Muzvinafundo Speakman vanoti, “Trump munhu anoziva kutaura zvekaipa zvemunhu, kwete kutaura zvinhu zvakakosha.” Vaenderera mberi vachiti, “Mafungiro angu ndeekuti Biden achayedza kuti ataure zvinhu zvakakosha semamiriro ehupfumi kwete zvehunhu hwaTrump.”

Kuti vanhu vakwanise kuvhotera mhunhu nekuda kwemagakava, nguva inoitwa izvi yakakosha sematauriro enyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaJohn Fortier, vepaAmerican Enterprise Institute. VaFoster vati, “Kana mave pedyo nesarudzo, vavhoti vakawanda vanenge vonyatsotarisisa zvinenge zvichitaurwa nevanhu pamagakava uye vachida kunyatsoona kuti vovhotera munhu upi.”

Kutsvaga rutsigiro kwevaviri ava kuri kuenderera mberi svondo rino VaTrump vanenge vari kuSouth Bronx, New York nemusi weChitatu. VaBiden vanenge vari kuNew Hampshire mangwana vasati vaenda kuBoston, Massachusetts.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa na Veronica Balderas Iglesias weVOA News muWashington mukaiverengerwa na Tanonoka Whande weVOA Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG