Accessibility links

Breaking News

SADC Yokumbira Chikafu Chekupa Vanhu Mamiriyoni Makumi Mashanu neMasere (58 Million)


Masangano anopa rubatsiro akaita seWFP akatotanga kubatsira.
Masangano anopa rubatsiro akaita seWFP akatotanga kubatsira.

Vatungamiri venyika dzemuSADC nhasi vaita musangano vakakumbira rubatsiro kubva kumasangano emuAfrica nekunze kuti abatsire vanhu vanosvika mamiriyoni makumi mashanu nemasere, kana kuti 58 million, vakatarisana nenzara nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura mwaka uno.

Mutungamiri wenyika yeAngola VaJoão Manuel Gonçalves Lourenço vanova sachigaro wesadc ndivo vange vachitungamira hurongwa uhu.

Vachitaurawo pamusangano uyu, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakurudzira nyika dzemuSADC kuti dzirime zvirimwa zvechinyakare zvisingadi mvura yakawanda.

Vaimbotungamira sangano rinopa chikafu reChristian Care Reverend Forbes Matonga vaudza Studio 7 kuti zvinhu nekuda kwehondo dziri kunyika dzakaita seSudan, Gaza, Ukraine nedzimwe zvichanetsa kuti SADC iwane chikafu chinoikwanira mwaka uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG