Accessibility links

Breaking News

Vane Husope Vanoti Vachiri Kusarurwa


t
t

Vechidiki vane husope vanoti kunyange hurumende nemamwe masangano akazvimirira oga anorwira kodzero dzavo nekuvasimudzira vari kuedza kuti hupenyu hwavo huite nani, pachine mutoro kuti matambudziko avari kutarisana nawo agadziriswe.

Vanotenda muchiKristu vanoti ida wekwako sekuzvida kwaunoita iwe, asi izvi handizvo zviri kuitwa kune vane husope

Vari kuchema kuti pane rusarura rwuripo munharaunda dzavanogara, zvinova zvinodzosera kumashure munyaya dzebudiriro sematauriro emudzimai wechidiki wemuHarare ane husope, Rutendo Musa. Rutendo ati, “Zuva nezuva tinosekwa, kunyombwa nekushoropodzwa munharaunda dzatigere." Aenderera mberi achiti, "Kuchitiwo ana muzvinabhizimusi havadi kutiwanisa mabasa kana vakaziva kuti tine husope, kunyange takadzidza zvinoenderana nemabasa. Muzvikoro zvedzidzo yepasi, hongu kuwana nzvimbo dzekudzidza ikoko zviri nyore, asi vana ava vanozosekwa neavo vanenge vasina husope.”

Mumwewo wechidiki ane husope, uye ari mudzidzi pachikoro chedzidzo yepamusoro-soro cheUniversity of Zimbabwe, Lordwin Rimire, anoti haisi nyore kurarama nehusope muZimbabwe. Lordwin ati, “Dambudziko guru ratinosangana naro nderekushaya mafuta ekuzora anodzivirira kuti tisakuvadzwe nezuva, kana kuti maSunscreen nechirungu." Atizve, "Mafuta aya anodhura zvakanyanya nekuti anogona kusvika kumadhora makumi matatu emari yekuAmerica, kagaba kadiki kanongopedza mwedzi chete. Nemamiriro ezvinhu munyika medu, vashoma vanokwanisa kutenga mafuta aya, ndiko saka vazhinji vachizoita chirwere chegomarara.”

Muzvikoro munodawo kuti vana vane husope vawaniswe mikana yekudzidza nemutowo unovabatsirawo, anodaro wechidiki wemuHarare anorarama nehusope, Paidamoyo Emmaculate Chipunza ati, "Vana vane husope havaoni zvakanaka pamadziro anenge achinyorwa nevadzidzisi, naizvozvo zvakakosha kuti vagare pedyo nemadziro aya mumakirasi." Atiwo, "Tinonzwawo kuti kune zvimwe zvikoro zvinoramba kutambira vana vane husope, asi chikumbiro chedu kuti nyaya iyi igadzirisike. Kozotiwo, munharaunda dzatinogara, vana vane husope ngavatenderwe kutamba nevamwe sezvo vari vanhuwo, changosiyana iganda chete.”

Kunyange matambudziko avanosangana nawo akafanana, vechidiki vane husope vari kumaruwa vanonzi vanozonyanya kusarira kumashure nekuda kwenharaunda dzavanogara, kana vachienzaniswa nevari mumadhorobha.

Asi mukusamira zvakanaka kwazvo, varipowo vechidiki vane husope vari kudadisa nharaunda dzavanobva.

Mumwe wevakadai ndi Brian Sithole, mutori wenhau anoshandira AB Communications, uyewo anogara pabhodhi rekanzuru inomirira vechidiki, reZimbabwe Youth Council. Brian anoti “Hongu haisi nyore asi panoda kutoshinga."

Anotiwo, "Ndakasangana nematambudziko akawanda chose kuti ndive pandiri asi ndakazviudza kuti handifaniri kudziviswa zvandinoda kuva remangwana. Saka muzvidzidzo zvangu uye nemubasa, ndinozviona ndakafanana nevamwe. Ndinokurudzirawo vamwe vane husope kuti vasambomira kuzvivandudza nekuda kweganda ravo ravakapiwa naMwari.”

Studio 7 yaedzawo kunzwa divi rehurumende panyaya iyi, asi vakuru vechikamu chinoona nezvenyaya dzevakaremara mubazi rezvekugara zvakanaka kwevanhu, vanga vasiri kudavira mbozhanhare dzavo.

Mukuru wesangano rinomirira kodzero dzevanhu vane husope, reAlbinism Dare to Dream Initiative, Brenda Mudzimu, anoti kana mitemo yenyika ikavandudzwa, zvichida vanorarama nehusope vanogona kurangarirwawo. Muzvare Mudzimu vati, “Pada dai mutemo weDisability Bill razviisa pachena kuti munhu akaremara munhu akaita sei, nekuti isu vanhu vane husope hatisi kuonekwa sevanhu vane hurema."

Vatiwo, " Izvi zvinogona kutibatsirawo sezvo tichizokwanisawo kuwana rubatsiro pamatambudziko atinosangana nawo. Zvakakoshawo kuti mafuta edu ekuzora asabhadhare mari yekupinda munyika kubva kune dzimwe nyika, zvinova zviri kuitika parizvino. Saka tichiri kure kuwanisa vanhu vane husope mikana yakaenzana neavo vasina.”

Muvare Mudzimu aenderera mberi achiti sesangano, vachaita mutambo wekupemberera zuva rekucherechedza vanhu vanorarama nehusope, mwedzi uri kutevera. “Tichaita mhemberero dzeInternational Albinism Day munaChikumi musi wa15 apo tiri kukoka veruzhinji kuti vauye muhuwandu hwavo kuzotikuta paStephen Margolis Resort muHarare. Kuchange kuchiitwa mitambo yakasiyana-siyana uye tichange tichidzidzisawo veruzhinji pamusoro pehupenyu hwevanhu vane husope.” Muzvare Mudzimu audza Studio 7.

Muzvare Mudzimu atiwo vari kukumbira vanhuwo zvavo kuti vabatsira nemafuta ekuzora pamuromo, lip balms, heti dzezuva, hembe dzine maoko akareba, zvekushandisa kutevera kana kuti sanitary pads nezvimwe.

Vanhu vane husope vanowanzoita chirwere chegomarara reganda, kunyanya kana vakashaya mafuta eSunscreen anodzivirira ganda ravo kubva kuzuva.

Patsvakurudzo yakaitwa mugore ra2020 nemasangano anosanganisira reAlbino Association Zimbabwe, vanhu vanofungidzirwa kuti vanodarika zviuru makumi manomwe, vaive husope muZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG