Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotatarika Kugadzirisa Dambudziko reKutengwa neKutengeswa kweMari paMukoto


Mumwe wevari muhusungwa nemhosva yekutengesa mari zviri kunze kwemutemo ndiNeville Mutsvangwa.
Mumwe wevari muhusungwa nemhosva yekutengesa mari zviri kunze kwemutemo ndiNeville Mutsvangwa.

Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dzinoti kunyange hazvo hurumende pamwe nebhanga guru renyika vari kutora matanho akaomarara anomanikidza veruzhinji pamwe nevezvitoro kuti vatambire mari itsva yeZiG, matanho aya haasi kuburitsa chimuko sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Izvi zviri kuuya panguva iyo vanhu vanodarika mazana maviri, kusanganisira mwanakomana wegurukota rezvemadzimai Amai Monica Mutsvangwa nemutauriri weZanu PF, VaChrsitopher Mutsvangwa, Neville, pamwe nemakambani makumi mapfumbamwe, vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuchinja mari zvisiri pamutemo kana kushandiswa mutengo wemari yekunze usina kutarwa neR-B-Z.

Asi zviri kushanda here zvekusunga vemabhizimusi nevanhuwo zvavo izvi?

Vaimbotungamira sangano revemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, Doctor Callisto Jokonya vanoti kusungwa vanhu hakuna kusiyana nekurapa mhopo iri kumusana uchisiya ziso rine mbonje.

"I think kutengesa hako mari hakuna kunaka. Tinogona kusunga tovavharira asi chikonzero chaita kuti vanhu vaite basa rekutengesa mari mu street chochoda kugadziswa munyika medu meZimbabwe. pane chinenge chisina kunge chakagadzirwa zvakanaka pamwechete hurumende ne system ye governance yedu," Doctor Jokonya vanodaro.

Vezvitoro vari kumanikidzwa kutengesa nemutengo wakatarwa nehurumende.
Vezvitoro vari kumanikidzwa kutengesa nemutengo wakatarwa nehurumende.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato rinopikisa reCoalition for Democrats, CODE, VaTrust Chikohora, vanoti pachinzvimbo chekumanikidza vanhu kuti vatambire mari itsva iyi kuburikidza nekuvasunga, hurumende inofanirwa kuparura mitemo inoita kuti vanhu vave nechivimbo nemari voga pasina kumanikidzwa.

"Izvozvo ndozvakanyanyisa kukosha kuti hurumende iparure ma policies anoita kuti vanhu vave nechokwadi chakanaka panyaya yemari itsva. Vave vanofarira mari itsva iyi voga, vasingaiti zvokumanikidzirwa, asi vachitoiona kuti iri kuvashandira zvakanaka. Izvozvo ndizvo zvoga zvinozoita kuti zvemari itsva yeZiG zvigoendeka, apo tichipfuurira tichienda mberi uye zvehupfumi zvinogadzikana zvakanaka," vanodaro VaChikohora.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru re R-B-Z, VaPersistence Gwanyanya, vanoti izvi ndizvo zvakagara zviri kuitwa nehurumende zvekusamanikidza vanhu asi kuti vakwezviwe nemitemo yakadzikwa chete.

"Vanhu havagone kumbunyikidzwa, kumanikidzwa kana kuitiswa zvinhu zvinenge zvisiri pamwoyo pavo. Asi policy ichifamba tichienda. Ndiyo yoga ichange ichingokwezva vanhu kunenge kuchidikwa kuti tiende," VaGwanyanya vanodaro.

Reserve Bank of Zimbabwe
Reserve Bank of Zimbabwe

Asi vanobvuma zvavo kuti zvinhu hazvigone kungogadzirisika nezuva rimwechete vachiti vana vembwa havasvinuri musi mumwechete.

"Hongu tinoziva kuti nyika yedu yanga yawandira kunze, kwavanoti ku informal sector. Ende zvinotora nguva kayati oo. Hazvigone kungochinja nezuva rimwechete. Asi vanhutiri kuon a vachatanga kusvinura nekuti haugone kuti murwere angomuka panhovo ototanga kumhanya. Hazviitikika izvozvo," vanowedzera VaGwanyanya.

Asi vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti havaoni dambudziko remusika mutema richigona kupedzwa nematanho ari kutorwa nehurumende nemhaka yezvikonzero zvakawanda zvinosanganisira kushaikwa kwemabasa, zvikuru kune vechidiki, avo vatove kuwana kurarama kubva mukuchinja mari uku.

Vanotiwo kune zvakawanda zvinobhadharwa munyika zvinoda mari yekunze yekuAmerica, iyo inonzi haisi kuwanikwa nyore kana kumabhanga sezvakavimbiswa nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG