Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoita Zinyekenyeke Vamwe Vachiti VaMnangagwa Vari Kuda Kutonga Kusvika Madhongi Amera Nyanga


VaConstantino Chiwenga naVaEmmerson Mnangagwa
VaConstantino Chiwenga naVaEmmerson Mnangagwa

Mubato reZanu-PF munonzi maita kusawirirana kunotyisa panyaya yekuti ndiyani achatungamira bato iri musarudzo dza2028 sezvo pamutemo, mutungamiri webato nenyika VaEmmerson Mnangagwa vanenge vasisakwanise kukwikwidza.

Vamwe mubato iri mumatunhu akaita seMidlands neMasvingo vari kuti vamnangagwa ngavarambe vachitungamira. Asi vamwe vari kuti mutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vanofanira kupihwa mukana.

VaMnangagwa vakamboti havasi kuda kuvandudza bumbiro remitemo kuti varambe vari panyanga, asi hapana zvavari kutaura nezvevari kurova bembera mubato ravo kuti vakwikwidze zvakare kutungamira bato muna 2027.

Kusatevedzerwa kwebumbiro remitemo rebato iri kunonzi nevamwe kunopa kuti kugadzirisa nyaya dzehutungamiri kunetse izvo zvakazoita kuti mauto apidigure vaive mutungamiri wenyika mushakabvu Robert Mugabe muna 2017. Mauto achitungamirwa naVaChiwenga akati anesimba rekuita izvi izvo zvakaropafadzwa nematare.

Asi mutauriri weZanu-PF VaChristopher Mutsvangwa vaudza Studio 7 kuti mubato hamuna dambudziko rehutungamiri vakati VaMnangagwa vanofanira kupihwa nguva yekuti vatonge makore avakasarudzwa acho.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reZimbabwe Democracy Institute vati zviri pachena kuti mubato hamuna kugadzikana nekuda kurambira panyanga kwaVaMnangagwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG