Accessibility links

Breaking News

Nyaya Yekodzero Yekuti Munhu Wese Apakatire Pfuti Yokonzera Mutauro Pamberi peSarudzo muAmerica


Nyaya yepfuti iri kukonzera kupesana kukuru muvavhoti vemuAmerica sezvo huwandu hwakada kufanana huri kutsigira kana kushora mabatirwo enyaya iyi nehurumende. Izvi zvakabuda mutsvakiridzo yakaitwa nesangano rePew Reseach Centre.

Mutungamiri wenyika, VaJoe Biden, nevavari kukwikwidzana navo, VaDonald Trump, vane maonero akasiyana panyaya iyi. Mutori wenhau weVOA, Scott Stearns, anotipa nyaya inotevera yatiri kuverengerwa naTanonoka Whande weStudio 7.

Muongororo yePew Research Centre iyi, vanhu vanodarika zvikamu makumi matatu nematatu kubva muzana, kana kuti 33 percent, vanoti vane pfuti.

Kuva nepfuti ikodzero iri mubumbiro remitemo asi kunokonzera mutauro, zvikuru munguva yesarudzo yemutungamiri wenyika.

Semuenzaniso, pakapfurwa vana vechikoro nepfuti kuFlorida muna 2018, vaive mutungamiri wenyika panguva iyi, VaDonald Trump, vakasangana nemhuri dzine vana vainge vaurayiwa vakataura nezvenyaya yepfuti. VaTrump vakati, “Izvi zvave nenguva zvichiitika. Pave nemienzaniso yakawandisa. Asi tichazvigadzirisa.”

VaDonald Trump
VaDonald Trump

Panguva yavaitungamira nyika, VaTrump vaikoshesa nyaya yekusimbaradza kudzivirirwa kwezvikoro uye vachikurudzirawo kuti varairidzi vatakure pfuti. Asi munguva ino yekutsvaga rutsigiro musarudzo yemutungamiri wenyika, VaTrump vakaudza sangano revanorwira kodzero dzekuti vanhu vave nepfuti, reNational Rifle Association, kuti pfuti dzakakosha panyaya yekuzvidzivirira.

VaTrump vakati, “Nyika yedu yananga kumawere. Vanhu vanoita zvechigeven’a vari kuita zvehutororo vachishungurudza vanhu mumigwagwa, asi Joe Biden, nekuda kwekusabata nyaya iyi nemazvo, ave kuita kuti titarisane nehondo yepasi rose yechitatu.

Vachitenda danho reNational Rifle Association rekuvatsigira musarudzo yemutungamiri wenyika, VaTrump vakati VaBiden vari kuda kubvutira vanhu pfuti dzavo nekuvatorera kodzero yekuva nepfuti iri mubumbiro remitemo pachikamu chakavandudzwa, kana kuti Second Amendment.

VaTrump vakati, “Tinofanira kuremekedza kodzero iri mubumbiro remitemo panyaya yepfuti. Tikasadaro, tichaona vanhu vakawanda vachiurayiwa, midziyo ichiparadzwa zvatisati tamboona munyika ino.”

Muna 2022, pakauraya mumwe mukomana wechidiki vana vechikoro gumi nevapfumbamwe kuTexas, mutungamri wenyika, VaBiden, vakati panofanira kutorwa matanho, vachiti, “Senyika, tinofanira kubvunza nemuzita raMwari Ishe wedu kuti tichasimudza izwi riini tichishora vanoda kuti vanhu vose vave nepfuti nevasina kukodzera. Ndirini kwatichaita zvinhu zvatinotarisirwa kuita uye zvatinoziva muhana dzedu kuti tinofanira kuita.”

VaJoe Biden
VaJoe Biden

Muzinda wemutungamiri wenyika weWhite House muAmerica nenhengo dzedare reparamende reCongress, kubva kumaRepublicans nemaDemocrats, vakawirirana kuti pave nemutemo wekuti zvisave nyore kutenga pfuti kune vechidiki nevamwe vanogona kuzvikuvadza kana kuva njodzi kune vamwe.

VaBiden vari kutsvaga rutsigiro munzvimbo dziri kuurayiwa vanhu nepfuti vachishandisa mitemo mitsva iyi. VaBiden vanoti, “Ndakaisa ruoko rwangu pamutemo wakakosha mukudzivirira kushandiswa kwepfuti zvinove zvainge zvisati zvamboitwa mumakore makumi matatu. Ndinoziva kuti zvakakosha munzvimbo dzandinonobata maoko kune vanenge vaurayirwa hama nepfuti. Ndinorangarira ndichibata maoko kuAtlanta, Half Moon Bay neMonterey Park.”

Kubva zvasarudzwa vebato remaRepublicans vakawanda mudare reHouse of Representatives muna 2022, hapana mimwe mitemo ine chekuita nekuvandudzwa kwekutengeswa kwepfuti yakazodzikwa. Mutauriri webato remaDemocrats mudare iri, VaHakeem Jeffries, vanoti izvi zviri kukonzerwa nevatsigiri vaVaTrump.

VaJefferies vanoti, “Mazuva ano, vanozviti MAGA vanopfurikidza mwero nevedare reparamende risina charinoita remaRepublicans avo vari kumboenda pazororo vasina kana mutemo mumwe chete une musoro wavadzika kugadzirisa nyaya yekuurayiwa kwevanhu vakawanda nepfuti muAmerica ndivo vakonzera matambudziko munyika apa kuti pfuti dzitove chirwere chinonetsa kupedza."

Tsvakiridzo yakaitwa nePew Reserch inoratidzawo kuti maonero panyaya yepfuti inosiyana nekuti munhu anotsigira bato ripi. Vanotsigira maRepublicans vane mukana mukuru wekuva nepfuti zvichienzaniswa nevanotsigira maDemocrats.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa naScott Stearns weVOA mukaiverengerwa naTanonoka Whande, weVOA Studio 7 muWashington DC

Forum

XS
SM
MD
LG