Accessibility links

Breaking News

VaTrump naVaBiden Vorwira Mavhoti eVanhukadzi Musarudzo yeMutungamiri weNyika


VaJoe Biden naVaDonald Trump
VaJoe Biden naVaDonald Trump

Madzimai anovhota muAmerica anodarika zvikamu makumi mashanu kubva muzana pane vavhoti vose. Mutungamiri wenyika, VaJoe Biden, nevaimbova mutungamiri wenyika, VaDonald Trump vari kutsvaga rutsigiro kumadzimai musarudzo yemutungamiri wenyika vachinyanya kutarisa nyaya yekuti madzimai obvumidzwa here kana kuti kwete kupihwa kodzero yekubvisa pamuviri.

Asi madzimai emuAmerica anodawo zvimwe zvisingori zvine chekuita nemiviri yavo. Izvi zviri kupawo kuti vari kutsvaga rutsigiro vatarisewo nyaya dzine chekuita nezvehupfumi, hutano uye kuparwa kwemhosva.

Mumwe mudzimai wemudunhu reMinnesota, Amai Rebecca Jensen, vanoti VaBiden vanofanira kurumbidzwa nekusimudzira nyika vachiti, “Ndinofunga kuti kushanduka kwemamiriro ekunze inyaya yakakosha.

Ndinofunga nyaya dzezvehupfumi nehutano dzakakosha. Ini ndiri mukoti, ndichiri kuona vanhu vari kurwara neCovid. Vamwe vanoti chirwere ichi hakuchina, asi chichiriko. Tichiri pakati pacho. Saka kungova nemutungamiri muWhite House anotenda mune zvechizvino zvino, kana kuti science, zvakakosha."

KuNevada, Amai Julie Benb vanoti vanotsigira kuti VaTrump vatungamire kwemamwe makore mana nekuti pavakambotungamira zvinhu zvaifamba zvakanaka.

Amai Benb vanoti, “VaTrump vaikwanisa kubata nyaya dzezvehupfumi. Kwainge kusina hondo. Kwaive nerunyararo. Tose taive nemabasa. Mitengo yemafuta ekufambisa dzimotokari yaive yakaderera. Aive murume aidadisa. Anoda nyika yake. Munhu akanaka. Munhu ane mhuri yakakudzwa zvakanaka uye tichamuvhotera kuti atungamire zvekare.”

VaBiden vari kukwezva vavhoti vechidzimai nezvirongwa zvine chekuita nehutano hwavo.

“Tarisai budiriro yatakaita munyaya dzezvekurapa vanhu asi zvine chekuita nemadzimai zvichiri zvakasarira. Nyaya yekuita tsvakiridzo ine chekuita nehutano hwemadzimai ichiri kumashure,” vakadaro VaBiden.

Mukuzvishambadza kuvavhoti, VaBiden vakaburitsa vhidhiyo yekushora VaTrump, ichiti, “Kana ukati kumhuri, ‘mukauya tinokupatsanhurai’, havauyi.”

Vanotsigira VaBiden vaivashambadza musi wezuva rekupembedza mabasa anoitwa navanaAmai, kana kuti Mother’s Day, vachishora VaTrump nenyaya yekuda kupatsanura mhuri dzinenge dzichida kutsvaga hupoteri muAmerica.

Vechikwata chaVaBiden muvhidhiyo iyi vanotiwo kuna VaTrump, “Remekedza madzimai ari muhupenyu hwako. Mira Izvozvo, Trump.”

VaTrump vakaudza madzimai anotenda mutsika dzechiKristu dzaka, “Ndisati ndatombosvika kuhofisi yemutungamiri wenyika yeWhite House Oval Office, ndichangosarudzwa kutungamira nyika, ndinenge ndatogadzirisa hondo pakati peRussia neUkraine yaurayisa vanhu vakawanda.”

VaTrump vari kuyedzawo kutsvaga rutsigiro kubva kumadzimai vachiti ndivo vanokwanisa kupedza humbavha uye kumisa vapoteri kupinda muAmerica.

VaTrump vanoti, “Ndinofunga ndinotsigirwa nemadzimai akawaanda anogara mumaguta nekuti anoda kugara vakachengetedzeka. Asi ikozvino vanobirwa zvishongo zvavo, zvikwama zvavo, mawachi avo, mari nezvimwe. Kana musingadi kuti matsotsi anobva kune dzimwe nyika apinde mudzimba dzenyu nepamawhindo vhotai kuti tikande panze pehofisi Biden asingataure chokwadi.”

Sangano reCenter for American Women and Politics rinoti kubva muna 1980, madzimai akawanda ndivo akawanda avhota musarudzo kudarika varume.

Muna 2020, ongororo yakaitwa nesangano rePew Research yakaratidza kuti VaBiden vakakunda VaTrump nemavhoti zvikamu gumi nechimwe kubva muzana kana kuti 11%.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:07:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Nyaya iyi yatumirwa naScott Sterns weVOA, mukaiverengerwa neni Tanonoka Whande VOA, Studio 7.

Forum

XS
SM
MD
LG