Accessibility links

Breaking News

Mukuru weSADC Oita Musangano naVaEmmerson Mnangagwa


Chikwata Che SADC Na Va Mnangagwa
Chikwata Che SADC Na Va Mnangagwa

Mukuru wesangano reSADC kana kuti "executive-director", VaElias Magosi, nhasi vasangana ne mutungamiri we nyika Va Emmerson Mnangagwa kumuzinda we State House muHarare murwendo rwavo rwekuzoona kuti gadziriro dze musangano we SADC summit uchaitwa muna nyamavhuvhu dziri kufamba sei.

Vamagosi vati vafara nemafambiro ari kuita zvinhu. Vachinyora padandemutande ravo re X, VaMnangagwa vanenge votora chigaro chekuva sachigaro we SADC vati vazeya nyaya yezvinangwa zveSADC uye nezvemusangano wechimbi chimbi wezvehupfumi nekugadzikana kwedunhu.

Nyanzvi yezvematongerwo e nyika, vaimbove mukuru we sangano re ZIMCOD, Va Joy Mabhenge vanoti SADC haingatauri zvakaipa pamusoro pe nyika dziri musanganoi iri uye Havanawo zvizhinji zvavanoona mu nyika sezvo vachingonoratidzwa kwakanakurudzwa chete.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG