Accessibility links

Breaking News

Sangano reOrphans Guardian Angel Rodzidzisa Nherera Mabasa eMaoko kwaMurehwa


Vana vari kubatsirwa neesangano reOrphans Guardian Angel kwaMurehwa.
Vana vari kubatsirwa neesangano reOrphans Guardian Angel kwaMurehwa.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, svondo rino tine hurukuro naMuzvare Mollin Ziwira vanobva kwaZengenenene kwaMurehwa mudunhu reMashonaland East, vari mukuru wesangano rinobatsira nherera reOrphans Guardian Angel.

Muzvare Ziwira pari zvino vari kugara muAmerica mudunhu reTexas uko vanoshanda semukoti.

Sangano reOrphans Guardian Angel vakariumba muna 2010 nechinangwa chekubatsira nherera zvisineyi kuti vasikana kana vakomana, mushure mekunge vaona matambudziko adzinosangana nawo.

Vanoti kunyange hazvo ivo vakanga vasiri nherera, vakakura vachirerwa naMbuya naSekuru vavo kwaMurehwa, izvo zvakavapa ruzivo rwekuti munhu anenge asiri kugara nevabereki vake anorarama sei?

Sangano iri riri kudzidzisa nherera kusona mbatya dzekupfeka nekutengesa.
Sangano iri riri kudzidzisa nherera kusona mbatya dzekupfeka nekutengesa.

Pari zvino sangano reOrphans Guardian Angel riri kubatsira nherera mumatunhu akawanda emunyika anosanganisira Murehwa, Rusape, Buhera, Mabvuku, Zaka neChivi, kuburikidza nekuvabhadharira mari dzechikoro, kuwanisa mabhuku, zvinodiwa nevanasikana panguva dzavo pamwe nekuvadzidzisa mabasa emaoko anosanganisira kuvaka, kunama simbi pamwe nekusona.

Muzvare Ziwira vanoti vanotenda zvikuru chikwata chinovabatsira kufambisa basa, masabhuku, masadunhu, madzimambo nevamiriri veparamende vanovabatsira mumatunhu ose ari kushandira sangano ravo.

Asi vanoti ambudziko guru ravari kusangana naro ndere kushaya zvikwanisiro zvakaita semishini yekusonesa, machira nezvimwe zvinodiwa nevana mukushanda kwavo, vachiti nekuda kwekushomeka kwemishini vakatoisa vana muzvipoka zvevanhu vana vana vanopana mazuva ekusona.

Vamwe vevanakomana nevanasikana vari kudzidziswa kusona kwaMurehwa.
Vamwe vevanakomana nevanasikana vari kudzidziswa kusona kwaMurehwa.

Vanotiwo rimwe dambudziko nderemari sezvo vachishandisa mari yavo yemuhomwe nguva dzose, izvo vanoti zvave kuvaremera.

Vanoda kubatsira sangano iri vanogona kusiya mashoko papeji ravo reFacebook reOrphans Guardian Angels vachipinda nepa https://www.facebook.com/OrphansGuardianAngels.

Kana kutumira mashoko neWhatsApp muchishandisa nhamba dzenharembozha dzinoti +12147154234.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:23 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG