Accessibility links

Breaking News

World Bank Inoti Zimbabwe Iri pakati peNyika dzemuAfrica Dzichatatarika Zvakanyanya muNyaya dzeHupfumi Muna 2024


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Gwaro raburitswa nhasi neWorld Bank rinonzi Africa’s Pulse rinoti Zimbabwe iri pakati penyika gumi neshanu dzemuAfrica dzine hupfumi husiri kutarisirwa kukwira zvakanyanya mugore rino ra2024.

Gwaro iri rinoti hupfumi hwenyika huchakura nezvikamu zviviri nezviga zviviri kubva muzana kana kuti 2,2%. Zviri kukonzera izvi kudhurakwezvinhu, kushaya simba kwewemari uye mitero yakakurisa iri kubhadhariswa vemabhizimisi. Dzimwe nyika dzichakura nezvikamu izvo iMauritious, DRC neGuinea.

Izvi zviri kupesana hazvo nezviri kutaurwa negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vari kuti hupfumi huchakura nezvikamu zvitatu nezviga zvishanu kubva muzana kana kuti 3,5%.

Vachitaura kuSouth Africa masvondo adarika vakatiwo Zimbabwe iri pakati penyika dzine hupfumi huri kusimukira zvakanyanya muAfrica.

Hatina kukwanisa kunzwa divi raVaNcube pane zvaburitswa neWorld Bank izvi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paDurban University of Technology Muzvinafundo Gift Mugano vaudza Studio 7 kuti hupfumi hweZimbabwe huchatodzikira zvakanyanyisa kana kuti “recession” Vati kushaya simba kwedhora remunyika uye nzara iri munyika zvichapa kuti hupfumi hunange kumawere.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG