Accessibility links

Breaking News

Amai Chombo Vopomerwa Mhosva Yekumanikidza Masangano Akazvimirira Oga Kuita Zvisiri paMutemo


Amai Marian Chombo
Amai Marian Chombo

Mubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga weCrisis in Zimbabwe Coalition unoti zviri kuitwa negurukota redunhu reMashonaland West Amai Marian Chombo zvekuti vapihwe magwaro emashandiro emasangano aya hazvisi pamutemo.

Vachitaura nevemasangano akazvimirira oga anodarika makumi manomwe nemana kuChinhoyi svondo rino, Amai Chombo vakati masangano aya anofanira kunyoresa opota achivapa magwaro ezvirongwa zvavanenge vachida kuita mwedzi woga woga.

Asi sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition VaPeter Mutasa vanoti zviri kutaurwa naAmai Chombo izvi hazvisi pamutemo.

Muna 2021, vaimbova gurukota rezvedunhu reHarare VaTafadzwa Muguti muna 2021 vakarambidzwa nedare repamusoro kumanikidza masangano akazvimirira oga kuvapa mapepa emashandiro avo vachiti vasina kuita izvi vaizosungwa.

Amai Chombo vakatiwo vemasangano akazvimirira oga ava vanofanira kutevedzera mitemo yenyika yekunyoresa zviri pamutemo.

Pamusoro pezvo, munyori mukuru mubazi rezvematunhu VaJosphat Jaji vakaudza masangano aya kuti anofanirawo kuita zvibvumirano nemakanzura enzvimbo dzavanenge vachishandira kana kuti “Memorandum of Understanding”
Asi mutongi Justice Esther Muremba vakapa mutongo waiwirirana nesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum neCrisis in Zimbabwe Coalition vaimirira masangano makumi masere nemaviri kuti zvaitaurwa naVaMuguti zvaisava pamutemo.

Ko bhiri itsva riri kuzeyiwa mudare reparamende rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira oga haripe hurumende masimba aya here? VaMutasa vaudza Studio 7 kuti bhiri harisi mutemo nekudaro Amai Chombo vari kutyora mutemo kna vachiti vanhu vatevedzere zvichiri kuzeyiwa nedare reparamende.

VaJaji vari kukurudzirawo vemasangano akazvimirira oga kuti vasashande munzvimbo imwechete.

Mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevechidiki reYouth Empowerment, VaBasil Marehwanani vanoti zvinodiwa kuti sangano, rishande zvakawanda kusanganisira tsamba yemapurisa, kupihwa mvumo nemaSabhuku pamwe nanasachigaro vemapato izvo zvavanoti hazvisieo pamutemo.

Asi mukuru wesangano reFarm Community Trust-FCT-VaBarnabas Muhoma vanoti hazvina kuipa kuti masangano anyorese vachiti vanoita zvematongerwo enyika ndivo vane dambudziko.

Mumwe akapinda mumusangano wakakokerwa naAmai Chombo mugari wekuKariba Muzvare Angeline Shamba vanorarama nehurema vanoti vanodawo rubatsiro rwakanyanya kubva kumasangano akazvimirira oga aya.

Asi vamwe vanoti kubatsira vakaremara vakaita saMuzvare Shamba kuchanetsa nekuti panenge paita ropa rakaipa pakati pehurumende nevemasangano akazvimirira oga. Nezuro vamwe varwi vehondo yerusungunuko vaikurudzira kuti Zanu-PF iite masangano akazvmirira oga ayo yega.

Nezuro munyori wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vakakurudzira hurumende nezuro kuti ikurumidza kuvandudza mutemo inoomesera masangano akazvimirira oga vachiti ari kuda kushandiswa kupidigura hurumende.

Hurumende ine bhiri rePrivate Voluntary Organizations iro riri kushorwawo neUnited Nations richinzi richakanganisa masangano akazvimirira oga kuita mabasa avo.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hapana chakaipa pabhiri iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG